YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 24

24
Dhavhidhi anorega kuuraya Sauro
1Sauro akati adzoka mukuronda vaFirisitia shoko rakasvika kwaari raiti, “Dhavhidhi ari kurenje reEnigedhi uku.”
2Sauro akatora zviuru zvitatu zvavarume vano, vakanyatsosarudzwa muIsiraeri yose, ndokuenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake kwakatarisana namatombo engururu. 3Sauro akasvika napamatanga ehwai aiva pedyo nenzira paiva nebako. Sauro akapindamo kuti ambozvibatsira zvake. Izvozvo Dhavhidhi navanhu vake vaitova zvavo mukatikati chaimo mebako.
4Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro. 5Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. 6Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.” 7Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro.
Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake. 8Mushure macho Dhavhidhi akabudawo mubako muya akadaidzira kuna Sauro achiti, “Nhai mambo, changamire!” Sauro paakati cheu, Dhavhidhi akabva azvityora achikotamira pasi kumuremekedza. 9Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Munodirei kunzwa zvavanhu vanoti, ‘Dhavhidhi ari kuvavarira kukukuvadzai.’ 10Nhasi mazvionerawo moga kuti Tenzi anga atokuisai zvake mumaoko angu mubako umu, vamwe vanga vatoti ndikuurayei asi handina kukukuvadzai ndichiti, ‘Handidi kusimudza ruoko rwangu kuita chinhu chisina kunaka kuna tenzi wangu, nokuti muri muzodzwa waTenzi.’ 11Chinzwaika baba, tarisai muone chipenga chehanzu yenyu ichi chandakabata mumaoko. Nokucheka kwandaita chipenga chehanzu yenyu ichochi ndichirega zvangu kukuurayai muri kutoonawo zvinonyatsokuratidzai kuti hapana chakaipa kana upanduki mandiri, uye hapana chandakakutadzirai kunyange zvazvo imi muchindihwandira kuda kundiuraya. 12Mhosva iri pakati pangu nemi, Tenzi ndiye achatoziva zvake kuitonga kwaachaiita. Tenzi ndiye achatotsividza kunditadzira kwamakaita. Asi ini nouruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai. 13Inga wani vakuru vane tsumo inoti, ‘Mumunhu akaipa munobuda uipi,’ asi ini noruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai. 14Ko izvozvo nhai mambo weIsiraeri wamavinga chaiye ndiani chaizvo? Ndiani wamuri kurondawo kudai? Iyeniwo zvangu imbwa yakafa, nhata zvayo! 15Naizvozvo Tenzi ngaave mutongi, aenzanise mhosva yedu, aone zvaangaite andipipirirewo aburitse pachena kuti handina mhosva.”
16Dhavhidhi achangoti pedzei kutaura izvi, kuna Sauro, Sauro akabva ati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Sauro akabva azhamba kuchema. 17Akati kuna Dhavhidhi, “Uri munhu akarurama kwazvo paneni nokuti iwe wakandiitira zvakanaka asi ini ndikakuitira zvakaipa. 18Wanyatsozviratidza izvi nhasi nokundiitira zvakanaka kwawaita, Tenzi paanga atondiisa zvake mumaoko ako, warega kundiuraya. 19Nokuti munhu akawana muvengi wake angamurege achienda zvake here? Saka Tenzi ngaakupe mubayiro wakapetwa pamusana pezvakanaka zvawandiitira nhasi uno. 20Chinzwaka, ndazoziva zvino kuti chaizvoizvo iwe, ndiwe uchava mambo, uye kuti newe umambo hweIsiraeri huchatonyatsodzika midzi. 21Zvino chipika kwandiri nezita raTenzi kuti hauzotsakatisa zvizvarwa zvangu zvichauya, uye kuti hauzorovesa zita rangu mudzinza rokwababa vangu.” 22Dhavhidhi akapika izvozvo kuna Sauro. Sauro akadzokera kumusha, asi Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kubako.

Currently Selected:

1 Samueri 24: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in