1 Samueri 18
18
1Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. 2Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. 3Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. 4Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake. 5Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro.
Sauro anoitira Dhavhidhi shanje
6Pavakanga vachidzokera kumusha, Dhavhidhi abva mukuuraya muFirisitia uya, vakadzi vakabuda mumaguta ose eIsiraeri vachiimba vaine vamwe vaitamba kuzochingura mambo Sauro vaine ngoma, vachipembera kufara vaine zvimwewo zvairidzwa. 7Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti,
“Sauro wakauraya zviuru
asi Dhavhidhi makumi namakumi
ezviuru.”
8Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?” 9Kubvira musi iwoyo Sauro akabva avakuitira Dhavhidhi shanje.
10Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. 11Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose.
12Sauro akanga ava kutya Dhavhidhi nokuti Tenzi akanga aina Dhavhidhi, asiya Sauro. 13Nokudaro Sauro akaendesa Dhavhidhi kure naye akamuita mutungamiriri wechiuru. Dhavhidhi ndiye aitungamirira vanhu vacho. 14Aibudirira mune zvose zvaaiita nokuti Tenzi aiva naye. 15Sauro paakaona kuti Dhavhidhi ari kubudirira zvikuru kwazvo, akamutya. 16Asi vaIsiraeri vose novokwaJudha vaimuda nokuti aivatungamirira.
Dhavhidhi anoroora mukunda waSauro
17Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Chinzwa, pane mukunda wangu Merabhu ndichakupa zvangu kuti ave mukadzi wako, ndokunge chete waita chivindi chokundirwirira hondo dzaTenzi,” nokuti Sauro aiti, “Chiregai ini ndirege kubata ropa rake achiurayiwa zvake navaFirisitia.”
18Dhavhidhi akapindurawo Sauro achiti, “Ndiri aniwo zvangu ini kana iyowo mhuri yedu nemba yokwababa wangu muIsiraeri kuti ndinziwo mukuwasha wamambo?” 19Asi panguva yainge Merabhu, mukunda waSauro aifanira kupiwa kuna Dhavhidhi akabva apiwa kuna Adhirieri muMehorati kuti ave mukadzi wake.
20Mikari mukunda waSauro akadanana naDhavhidhi vanhu vakazvisvitsawo kuna Sauro, akafadzwa nazvo. 21Sauro akazviti mumwoyo, “Regai ndichimupa zvangu iyeyu. Ndiye wondomuteya naye kuitira kuti aurayiwe navaFirisitia.” Naizvozvo Sauro akataurira Dhavhidhi rwechipiri kuti, “Zvazvinoka, wochiva zvako mukuwasha wangu.” 22Sauro akasimbisa kurayira makurukota ake achiti, “Taurirai Dhavhidhi muchivande kuti, ‘Onaka iwe, mambo ari kufadzwa newe, uye makurukota ake ose anokuda. Zvino chiva zvako mukuwasha wamambo.’ ”
23Makurukota aSauro akataurira Dhavhidhi shoko iri. Dhavhidhi akati, “Heya munoti chinhu chidiki kuva mukuwasha wamambo nhai, pangu panowo iyeni murombo ndakadai?”
24Makurukota aSauro akamutaurira kuti, “Ndozviri kutaurwa naDhavhidhi izvi.” 25Sauro ndokuti, “Zvamuchaudza Dhavhidhi ndezvizvi, ‘Mambo haana mhosva zvake nezvokusweropiwa roora. Chaanongoda chete kupiwa zana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia kuti atsividze vavengi vake.’ ” Chaivavarirwa naSauro chaicho, chaiva chokuti aurayise Dhavhidhi navaFirisitia. 26Makurukota ake paakataurira Dhavhidhi shoko iri Dhavhidhi akafadzwa nazvo kuti avewo mukuwasha wamambo. Nguva yakanga yatemwa isati yambopera, 27Dhavhidhi navarwi vake vakasimuka vakaenda vakandouraya vaFirisitia mazana maviri. Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi zvikapiwa kuna mambo zviri zvose zvazvo kuitira kuti ave mukuwasha wamambo. Sauro akamupa Mikari mukunda wake kuti ave mukadzi wake.
28Asi Sauro paakaona nokunzwa kuti Tenzi ana Dhavhidhi, kuti Isiraeri yose yaimuda, 29Sauro akatonyanya kutya Dhavhidhi. Naizvozvo Sauro akaramba ava muvengi waDhavhidhi.
30Vatungamiriri vehondo dzavaFirisitia vaiuya kuhondo, pose pavaiendako Dhavhidhi ndiye aibudirira zvakanyanya kupfuura vamwe vatungamiriri vose vokwaSauro zita rake rikava nomukurumbira kwazvo.
Currently Selected:
1 Samueri 18: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.