YouVersion Logo
Search Icon

1 Madzimambo 19

19
B: ERIYA KUGOMO REHORIBHU KANA KUTI RESINAI
1Ahabhu akataurira Izebhero zvose zvakanga zvaitwa naEriya nokuuraya kwaakaita vaporofita vose nebakatwa. 2Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.” 3Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko.
4Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”
5Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.” 6Eriya akatarisa onei kumusoro kwake kune mupotohayi wakabikirwa pamatombo anopisa, kwaivawo neguchu remvura. Akadya akanwira mvura ndokurarazve. 7Mutumwa waTenzi akauyazve rwechipiri akamuzunza akati, “Muka udye, rwendo urwu rurefu kwauri.” 8Akamuka akadya akanwira mvura. Nesimba rembuva iyoyo akagona kufamba siku nesikati kwamazuva makumi mana kuHorebhu, gomo raMwari. 9Ikoko akasvikira mubako ndokumbogaramo.
Shoko raTenzi ndokubva rauya kwaari. Akati kwaari, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
10Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
11Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku. 12Mushure mokundengendeka kwakauya moto, asi Tenzi akanga asiri moto. Mushure memoto kwakanzwika izwi dete raitaura zvinyoronyoro.
13Eriya paakarinzwa akafugidza uso nehanzu yake akabuda ndokundomira pamusuo pebako. Izwi rikauya kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
14Iye akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu vakapunzira pasi atari, dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
15Tenzi akamuti, “Chienda udzokere nokurenje reDhamasikusi ukange wasvikako unofanira kuzodza Hazaeri kuti ave mambo weSiria 16uzodzewo Jehu mwanakomana waNimushi kuti ave mambo wokwaIsiraeri. Unofanirawo kuzodza Erisha mwanakomana waShafati wokuAbheromehora kuti ave muporofita panzvimbo pako. 17Anenge apunyuka mumapakatwa aHazaeri achaurayiwa naJehu, anopunyukawo bakatwa raJehu achiurayiwawo naErisha. 18Kunyange zvazvo zvakadaro ndichasiya zviuru zvinomwe zvavanhu muIsiraeri, vose zvavo vane mabvi asina kumbopfugamira Bhaari nomunhu wose ane muromo usina kumbomutsvoda.”
Kudaidzwa kwaErisha naTenzi
19Saizvozvo Eriya akabva ipapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati achirima aine nzombe dzakabopwa pamajoko gumi namaviri iye ari pane regumi nerechipiri racho. Eriya akapfuura nepaari akapaikira hanzu yake pana Erisha. 20Erisha akabva asiya nzombe dzacho ndokumhanyira kuna Eriya akati, “Regai ndimbondotsvoda ndichionekana nababa naamai vangu ndigoti ndokuteverai.” Akati kwaari, “Dzokera zvako, ko chii chandaita kwauri?”
21Akati dzokei kwaakanga achimutevera ndokutora chipani chenzombe dzake mbiri ndokudziuraya ndokubika nyama yadzo joko ririro huni dzokubikisa ndokupa vanhu vakadya ndokusimuka otevera Eriya omushandira.

Currently Selected:

1 Madzimambo 19: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in