1 Madzimambo 14
14
IV: UMAMBO HUVIRI KUSVIKA PANA ERIYA
Muporofita Ahiya anoporofita chirango chaJerobhoamu (931—940 K.A.A.)
1Panguva iyoyo Abhiya, mwana waJerobhoamu mukomana, akarwara. 2Jerobhoamu akataurira mukadzi wake kuti, “Dai mukachizvivanziridza kuti vanhu varege kukuzivai kuti ndimi mudzimai waJerobhoamu, musimuke muende kuShiro. Ikoko kuna Ahiya muporofita akafanonditaurira kuti ndichava mambo wavanhu ivava. 3Muigireiwo gumi rezvingwa notupapata nechirongo chouchi. Iye achakuzivisai zvichazoitika kumwana.”
4Mudzimai waJerobhoamu akaita saizvozvo ndokusimuka oenda kuShiro akasvikopinda mumusha waAhiya. Izvozvo Ahiya akanga asisakwanisi kuona nokuti maziso ake aiva oonera madzerere nokukwegura kwaakanga aita. 5Tenzi akanyevera Ahiya achiti, “Chinzwa, mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzobvunza nezvomwana wake mukomana nokuti ari kurwara. Unomuudza zvokuti nezvokuti. Mukadzi uyu paachapinda muno achazvivanziridza achizviita sokungewo mumwe mukadzi zvake.”
6Kuzoti Ahiya paakanzwa mutsindo wake achipinda kumusuo akati, “Pindai zvenyu vadzimai vaJerobhoamu. Seiko muchizviita sokunge mumwewo mukadzi asirimi? Nyaya yandanzi ndikunyeverei yakaomarara kwazvo. 7Endai mundotaurira Jerobhoamu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuti ndakakukwidziridzaka iwe mukati mavanhu ava ndikakuitaka mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri 8ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda. 9Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi. 10Saka zvino, chinzwa, ndichapinza imba yaJerobhoamu munyatwa. Vanhurume vose vokwaJerobhoamu ndichavapedza nokuuraya, vose zvavo vokumba huru kana varanda muIsiraeri muno. Imba yaJerobhoamu ndichanyatsoitsakatisa kuti nho somunhu ari kupisa ndove zvokusara pasisina. 11Munhu ari wose zvake wokwaJerobhoamu anofira muguta achadyiwa nembwa, nouyowo anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga nokuti Tenzi ndiye azvireva.’
12“Chisimuka uende zvako kumusha kwako. Paunongoti pindei muguta mukomana iyeyo anobva afa. 13Isiraeri yose ichamuchema yomuviga nokuti iyeye chete ndiye wokwaJerobhoamu achaiswa muguva pamusana pokuti mumba maJerobhoamu muna iyeyu chete ndimo mune chimwe chinofadza Tenzi, Mwari weIsiraeri. 14Chimwezve ndechichi chokuti Tenzi achazvimutsira mambo wokutonga Isiraeri achaparadza imba yaJerobhoamu. Zuva racho ndinhasi, kwete kumboti rinhi, izvozvi kutaura kuno. 15Kubvira ipapo Tenzi acharova Isiraeri sokuzunzwa kunoitwa rutsanga ruri mumvura agotipura Isiraeri munyika ino yakanaka kudai yaakapa kumadzitateguru avo agovamwayanisa kumhiri kwaYufuratesi nokuti vakaita zviAshera zvokunamata vakashatirisa Tenzi. 16Iyewo acharamwa Isiraeri pamusana pezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu zvaakaitisawo Isiraeri.”
17Mudzimai waJerobhoamu akasimuka akabva paye akandosvika kuTiriza. Paakangoti pindei munhandare yapamusha uyu mwana ndiye sarai. 18Isiraeri yose yakamuviga vachimuchema sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake, muporofita Ahiya.
Rufu rwaJerobhoamu
19Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu dzehondo dzaakarwa nomutongero wake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzamadzimambo eIsiraeri. 20Nguva yakatonga Jorobhoamu, makumi maviri amakore ana makore maviri akabva ovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Nadhabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Rehobhoamu mambo wokwaJudha (913—931 K.A.A.)
(2 Nhor 11:5—12:15)
21Izvozvo Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni aitongawo kwaJudha. Rehobhoamu akatangisa kutonga ava namakumi mana amakore ane gore rimwechete. Akatonga kwamakore gumi namanomwe ari muJerusaremu guta rakanga rasarudzwa naTenzi mukati memadzinza ose avaIsiraeri kuti zita rake ariise ipapo. Amai vake vainzi Naama vechiAmoni.
22VokwaJudha vakaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakamudenha kurwa shanje nezvitadzo zvavo zvavakange voita zvaitodarika zvose zvakamboitwa namadzibaba avo 23pamusana pokuti vakangawo vazvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira namatombo akamiswa anomiririra vamwe vamwari nezviAshera pachikomo choga choga nomunyasi memiti yose minyoro. 24Kwakanga zvino kwava navarume vezvoupombwe hwavaiita mukunamata. Vakaita zvose zvinosemesa zvaiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
25Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu 26akapamba upfumi hwomumba yaTenzi akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo akakukucha zvose. Nhoo dzose dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni akadzitora. 27Kutsiva idzodzi mambo Rehobhoamu akazogadzirawo nhoo dzendarira akadzipa kuna vakuru vakuru vokuchengetedza pasuo guru repamuzinda wamambo. 28Nguva dzose paienda mambo kumba yaTenzi vachengetedzi ivavo vaidzipakata vachizodzidzosera mumba yavachengetedzi.
29Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaJudha. 30Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu. 31Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amai vake vainzi vaNaama vechiAmoni. Mwanakomana wake Abhiyamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Currently Selected:
1 Madzimambo 14: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.