YouVersion Logo
Search Icon

1 Vakorinde 16

16
MAZWI OKUZARIRA
Mupiro wokubatsira vamwe nawo
1Panyaya yezvipo zvinounganidzirwa vanhu vaMwari, sezvandakaudza masangano okuGaratia kuti aite, itaiwo saizvozvo. 2Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya. 3Pandinosvikako ndichatumira vanhu vamunenge manditumira netsamba vachitakura zvipo zvenyu ndichienda nazvo kuJerusaremu. 4Kana zvichidikanwa kuti ini ndiendewo vachandiperekedza.
Zvirongwa zvaPauro
5Ndichakushanyirai ndambopfuura nokuMasedhonia nokuti ndinoda kupfuura nokuMasedhonia. 6Pamwe ndichagara nemi kana kutopedza nguva yechando ndiinemi. Imi mozondibatsirawo kuenderera mberi nerwendo rwangu kose kwandinenge ndichienda. 7Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida.
8Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi 9nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda.
10Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita. 11Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama. 12Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana.
Shoko rokupedzisira
13Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. 14Zvose zvamunoita zviitei norudo.
15Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari 16kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi. 17Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo. 18Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro.
19Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi. 20Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama.#16:20 MuGiriki munoti kwazisanai muchitsvadana nokutsvodana kunoera.
21Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu. 22Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai.#16:22 Tenzi wedu uyai: Mazwi aya anoti Marana tha muchiGiriki. 23Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi. 24Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni.

Currently Selected:

1 Vakorinde 16: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in