YouVersion Logo
Search Icon

1 Vakorinde 14

14
Zvimwe zvipo zvaMweya Mutsvene
1Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite. 2Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya. 3Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza. 4Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano. 5Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe.
6Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso.
7Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa? 8Kana hwamanda ikarira asi kurira kwayo kusina zvakunoreva kuvanhu ndiani angagadzirire kundorwa? 9Ndizvo zvimwechetezvo nemi kana mukataura nendimi dzisingazivikanwi, kozvino munhu angazive sei zvinotaurwa? Munenge muchitotaura kumhepo zvenyu. 10Ichokwadi kuti kune mitauro mizhinji yakasiyana–siyana pasi pano asi hapana usina zvaunoreva. 11Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri. 12Ndizvo zvimwechete nemi, zvamunodisisa kuona zvinhu zvinoratidza kuti Mweya Mutsvene aripo, vavarirai kuvaka sangano.
13Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira 14nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. 15Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, 16nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? 17Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. 18Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. 19Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi.
Kuzvibata nezvipo zvaMweya Mutsvene
20Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero.
21Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi;
“Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi
uye nemiromo yeve chirudzi,
ndichataura kuvanhu ava.
Kunyange ipapo havambonditeerera,”
ndizvo zvinotaura Tenzi.
22Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi
hachisi chiratidzo chavatendi
asi chavasiri vatendi.
Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi.
23Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here? 24Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake. 25Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu.
Zvirongwa zvakanaka musangano
26Ko zvino poitwa sei hama? Pamunoungana, mumwe anenge ane rwiyo, mumwe ane chidzidzo, mumwewo ane zvaakaoneswa, nomumwewo anenge achitaura rurimi rusingazivikanwi kana kududzira, zvose ngazviitwe kuti zvivake sangano. 27Kana pane vanotaura nendimi dzisingazivikanwi, ngavave vaviri chete kana kuti vatatu vachiravana. Kana vatowandisa ngavave vatatu, uye vachipana nguva, mumwe achiturikira. 28Kana pasina anoturikira, vose ngavanyarare musangano, munhu achizvitaurira iye pachake uye achitaura kuna Mwari. 29Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu. Vamwe vachiongorora zvinotaurwa. 30Kana mumwe agere pasi akawana zvaanoratidzwa, wokutanga ngaanyarare 31nokuti munokwanisa mose kuporofita muchitevedzana kuti vose vawane chavanodzidza; uye vose vakurudzirwe. 32Muporofita anofanira kuzvibata nemweya#14:32 Mweya: Zvichireva chipo kana kuti simba, taria 1 Vakorinde 12:8–9. waanenge anawo pakuporofita, 33nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare somumasangano ose avatsvene. 34Vakadzi ngavanyarare mumasangano nokuti havabvumirwi kutaura asi vanofanira kuzviisa pasi sokutaura kunoita mutemo. 35Kana pane chavanoda kuziva ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti chinhu chinonyadzisa kuti mukadzi ataure musangano. 36Ko kutaura here ikoko? Ko iro shoko raMwari rakabva kwamuri here? Rakangosvika kwamuri moga here?
37Kana kune mumwe anofunga kuti muporofita kana kuti munhu wezvemweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai mutemo waTenzi. 38Kana munhu asingagamuchiri izvi naiyewo haagamuchirwi.
39Naizvozvo hama dzangu vavarirai kuporofita musarambidze kutaura nendimi dzisingazivikanwi. 40Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo kwawo zvakarongwawo zvakanaka.

Currently Selected:

1 Vakorinde 14: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in