1 Nhoroondo 28
28
Musangano waDhavhidhi wezokuvakwa kwemba yaTenzi
1Dhavhidhi akaunganidza kuJerusaremu vakuru vakuru vose veIsiraeri vaiti: vakuru vakuru vamadzinza navakuru vakuru vezvikwata zvaishandira mambo navatungamiriri vezviuru navamazana nevokuchengeteswa upfumi nezvipfuwo zvamambo navanakomana vake pamwechete navakuru vakuru vomumuzinda nemagamba aye okurwa hondo navarume vose nyanzvi dzehondo.
2Mambo Dhavhidhi akasimuka akati, “Chimbondinzwaiwo hama dzangu nemi vanhu vangu, ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndivakire bhokisi raTenzi rechitenderano imba yokuti rizorore ivewo pokuisa tsoka dzake. Zvino ndakatogadzirira zvokuvaka. 3Asi Mwari akati kwandiri, ‘Haungandivakire imba nokuti iwe uri murwi wehondo uyezve wakadeura ropa.’ 4Kunyange zvakadaro zvazvo Tenzi, Mwari weIsiraeri akasarudza ini mumhuri yose yababa wangu kuti ndive mambo weIsiraeri narini wose nokuti akasarudza vokwaJudha kuti vave vokutungamirira. Mumba maJudha imomo akasarudza mhuri yokwababa vangu, muvanakomana vababa vangu akafadzwa neni akandigadza umambo hweIsiraeri yose. 5Pavanakomana vangu vose (nokuti Tenzi akandipawo vana vakomana vakawanda) akasarudza mwana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaTenzi muIsiraeri.
6“Akati kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba yangu nenhandare dzangu nokuti ndamusarudza kuti ave mwana kwandiri ini ndive baba kwaari. 7Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi narini narini, ndokunge chete iye aramba akachengeta zvirevo zvangu nemirao yangu sezvazviri nhasi uno.’
8“Saka zvino pamberi peIsiraeri yose, gungano rose raTenzi, Mwari weduwo achizvinzwa, chengetai munyatsodzidza mirao yose yaTenzi, Mwari wenyu kuti nyika ino yakanaka ive yenyu mugoisiyirawo senhaka kuvana venyu vachauya mushure menyu nokusingaperi.
9“Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose. 10Zvino wochichenjera pamusana pokuti Tenzi akakusarudza kuti umuvakire imba yenzvimbo inoera. Chishinga uite izvozvo.”
11Dhavhidhi ndokubva apa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo wakanyorwa wamavakirwo ekamba kepamusuo peTemberi nedzimba dzayo nemokuchengetera upfumi nedzimba dzayo dzenhurikidzwa nedzimba dzayo dzomukati nemumba mokupfupirira zvitadzo. 12Akamutaurirawo zvose zvaiva mundangariro yake nezvezvivanze zvemba yaTenzi nedzimba dzose dzakaipoterera nomokuchengetera upfumi hwepamba yaMwari nemaichengeterwa zvipo zvainge zvapirwa kuna Mwari. 13Akamutaurirawo mamiriro ezvikwata zvavapristi nevaRevhi nebasa rose raifanira kuitwa mumba yaTenzi nezvemidziyo yose yokushandisa yaTenzi. 14Akamutaurirawo kurema kwendarama inodiwa pamidziyo yose yemo yendarama yebasa roga roga, uyewo kurema kwesirivha yemidziyo yesirivha yebasa roga roga; 15nouremu hwezvigadzikiro zvemwenje zvendarama namarambi azvo kurema kwendarama yechigadzikiro chomwenje choga choga nemarambi acho uyewo uremu hwesirivha yechigadzikiro chomwenje nemarambi acho maererano nebasa rachaizoitiswa; 16kwouya kurema kwendarama yetebhuru yechingwa chokuisa pana Tenzi nesirivha yetebhuru dzesirivha; 17kwoti ndarama chaiyo yakanakisisa yokugadzirisa maforogo nembenge nemakomichi kwotiwo nendiro dzendarama imwe neimwe nouremu hwayo; 18kukati atari yorusenzi yokugadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nokuremawo kwayo. Akamuzivisawo mamiriro aizoita chikochikari chendarama chemakerubhu aizenge akatambanudza mapapiro awo akafukidza bhokisi raTenzi rechitenderano. 19Zvose izvi ndakazvinyora ndiri mumaoko aTenzi akandiita kuti ndinzwisise zvirongwa namamiriro aizoita basa raakaronga.
20Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni, “Shinga utsunge mwoyo uzviite. Usatye kana kupazamiswa musoro nokuti Tenzi Mwari, iye Mwari wangu anewe. Haambokusiya uri woga kana kukurega uchikundikana kusvikira basa rose rinofanira kuitwa remba yaTenzi rapera. 21Zvikwata zvavapristi nevaRevhi zvokuita basa rose remba yaTenzi ndizvozvi izvi. Munhu wose ane chido nebasa, nyanzvi pabasa ripi neripi zvaro ndovaunavoka iwe. Vakuru vakuru navanhu vose chaunenge wangoda kuti vaite, vanoita.”
Currently Selected:
1 Nhoroondo 28: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.