YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 9

9
Chitenderano chaMwari naNowa
1Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika. 2Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu. 3Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro. 4Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye. 5Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu. 6Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
7“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Muraraungu
8Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti, 9“Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya, 10pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose. 11Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ” 12Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. 13Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. 14Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, 15ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. 16Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” 17Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
3 KUBVA PAMAFASHAMO KUSVIKA PANA ABHURAHAMU
18Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. 19Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano.
20Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. 21Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. 22Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. 23Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. 24Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. 25Akati,
“Kanani ngaawirwe norushambwa,
ngaave muranda chaiye wokupedzesera
kuvakoma navanun'una vake.”
26Akatiwo,
“Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu,
Kanani ngaave muranda waShemu.
27Mwari ngaakudziridze Jafeti,
ngaagare mumatendhe aShemu,
Kanani ave muranda wake.”
28Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. 29Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake.

Currently Selected:

Mavambo 9: SCLBC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in