YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 11

11
Shongwe yeBhabheri
1Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo. 2Mukutamatama kwaiita vanhu kumabvazuva, vakazondogara vakaita musha wavo mubani reShinari kuBhabhironi. 3Vakazorangana vachiti, “Ngatikanyei zvidhina tinyatsozvipisa zvakanaka.” Zvidhina ndozvaiva matombo avo, dhaka ravo rokuvakisa riri tara. 4Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.”
5Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu. 6Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. 7Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.” 8Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya. 9Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose.
Madzitateguru mushure mamafashamo
10Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaShemu. Shemu akagara zana ramakore akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwamafashamo emvura. 11Abva mukubereka Aripakishadhi, Shemu akagara mazana mashanu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
12Aripakishadhi akagara makumi matatu amakore ana makore mashanu, ndokuzobereka Shera. 13Mushure mokubereka Shera, Aripakishadhi akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu, akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
14Shera akagara makumi matatu amakore akabereka Ebheru. 15Mushure mokubereka Ebheru, Shera akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
16Ebheru akagara makore makumi matatu namana akabereka Peregi. 17Mushure mokubereka Peregi, Ebheru akagarazve mazana mana ana makumi matatu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
18Peregi akagara makumi matatu amakore akabereka Reu. 19Mushure mokubereka Reu, Peregi akagara mazana maviri amakore ana makore mapfumbamwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
20Reu akagara makumi matatu amakore ana makore maviri, akabereka Serugu. 21Mushure mokubereka Serugu, Reu akagara mazana maviri amakore ana makore manomwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
22Serugu akagara makore makumi matatu akabereka Nahori. 23Mushure mokubereka Nahori, Serugu akagara mazana maviri amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
24Nahori akagara makumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe akabereka Tera. 25Mushure mokubereka Tera, Nahori akagara zana ramakore namakore gumi namapfumbamwe akaberekawo vamwe vakomana navasikana.
26Tera akagara makore makumi manomwe akabereka Abhuramu naNahori naHarani. 27Hezvinoi zvizvarwa zvaTera. Tera akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Harani ndiye baba vaRoti. 28Harani akafa baba vake vasati vafa, akafira kunyika kwaakaberekerwa muguta reUru kunyika yevaKaradhia.
29Abhuramu naNahori vakawana vakadzi vavo. Zita romukadzi waAbhuramu ndiSarai, zita romukadzi waNahori richinzi Mirika mwana waHarani. Harani, vakaberekawo Isika. 30Asi Sarai akanga asina mbereko asina mwana.
31Tera akatora mwanakomana wake Abhuramu, nomuzukuru wake Roti mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mudzimai womwana wake Abhuramu. Vose ivavo vakabva kuguta reUru munyika yevaKaradhia vakasimuka voenda kuKanani. Asi pavakasvika kuHarani vakaita musha wavo ikoko. 32Makore ose pamwechete aTera akagara mazana maviri amakore ana makore mashanu, ndokubva Tera azofira zvake kuHarani.

Currently Selected:

Mavambo 11: SCLBC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in