Varoma 11
11
VaIsiraeri vachadzokerazve kuna Mwari
1Zvino ndinoti, Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Haisva! Nokuti neniwo ndiri muIsiraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBhenjamini. 2Mwari haana kurasa vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti anokumbira kuna Mwari pamusoro pavaIsiraeri, achiti, 3“Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundiuraya?” 4Asi Mwari anomupindureiko? Anoti, “Ndakazvisiyira varume vane zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” 5Zvino, saizvozvo nenguva inowo variko vakasara, vakatsanangurwa nenyasha. 6Zvino kana kutsanangura kuri kwenyasha, hakusati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha.
7Zvino tichatiiko? VaIsiraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakatsanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakaomeswa, 8sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Mwari akavapa mweya wehope; kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.” 9NaDhavhidhiwo anoti,
“Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,
Nechigumbuso, nechinotsiva kwavari,
10Meso avo ngaasvibirwe, varege kuona;
Mukotamise misana yavo misi yose.”
11Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. 12Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
13Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri mupostori wavahedheni, ndinokudza basa rangu. 14Zvimwe ndingamutsa godo kuna venyama yangu, ndiponese vamwe vavo. 15Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu pakufa? 16Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarowo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo.
17Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; 18usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
19Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.” 20Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye; 21nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. 22Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo. 23Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. 24Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!
25Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda; 26naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi,
“PaZioni pachabuda Musununguri;
Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho;
27Iyi ndiyo sungano yangu navo,
Musi wandichabvisa zvivi zvavo.”
28Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. 29Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo, 31saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwewo ngoni. 32Nokuti Mwari akavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33Aiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! 34Nokuti ndianiko akaziva murangariro waIshe? Ndianiko akanga ari murayiri wake?
35Ndianiko akatanga kumupa, kuti aripirwezve? 36Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
Currently Selected:
Varoma 11: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002