Zvakazarurwa 9
9
Hwamanda yechishanu
1Zvino mutumwa wechishanu akaridza, ndikaona nyeredzi, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika. 2Ikazarura gomba rakadzika-dzika, hutsi hukakwira huchibva mugomba, sohutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nohutsi hwegomba. 3Muhutsi makabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika. 4Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. 5Hadzina kupiwa basa rokuvauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.
6Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.
7Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu. 8Dzakanga dzine vhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameso adzo akanga akaita seeshumba. 9Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa. 10Dzakanga dzine miswe, yakaita seyezvinyavada, noumborera; pamiswe yadzo pakanga pane simba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
11Dzakanga dzina mambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika-dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechiGiriki zita rake ndiAporioni.
12Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
Hwamanda yechitanhatu
13Zvino mutumwa wechitanhatu akaridza, ndikanzwa izwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari, 14richiti kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufuratesi.” 15Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vauraye chetatu chavanhu. 16Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zviuru zvezviuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
17Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi. 18Chetatu chavanhu chakaurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto nohutsi nesuriferi, zvakabuda mumiromo yawo. 19Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo.
20Vamwe vanhu vasina kuurawa namadambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba; 21havana kutendeukawo pakuuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana paupombwe hwavo, kana pakuba kwavo.
Currently Selected:
Zvakazarurwa 9: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002