YouVersion Logo
Search Icon

Zvakazarurwa 13

13
Chikara chakabva mugungwa
1Zvino ndakaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine gumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzine gumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari. 2Chikara ichi chandakaona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chohushe, namasimba makuru. 3Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara. 4Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti, “Ndianiko akafanana nechikara? Ndianiko anogona kurwa nacho?”
5Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chikapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.
6Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabhenakeri yake naivo vanogara kudenga. 7Chikapiwa masimbawo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimbawo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose. 8Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasina kunyorerwa zita ravo mubhuku yeGwayana rakabayiwa, kubva pakusikwa kwenyika.
9Ane nzeve, ngaanzwe.
10Kana munhu achitipa, achatapwa; kana munhu achiuraya nomunondo anofanira kuurawa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutenda kwavatsvene.
Chikara chakabva panyika
11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana, chikataura seshato. 12Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho.
13Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu; 14chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama.
15Chikapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe. 16Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo; 17kuti munhu arege kuvapo anogona kutenga nokutengesa, asi iye ane chiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
18Ndipo panokuchenjera. Anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Currently Selected:

Zvakazarurwa 13: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in