Mapisarema 4
4
Mufaro norugare zviri kuna Jehovha
Kumutungamiri wenziyo; nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.
1Ndipindurei kana ndichidana,
Mwari wokururama kwangu;
Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;
Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.
2Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu
kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira riniko?
Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rini?
3Asi zivai kuti Jehovha
akazvitsaurira munhu anomuda,
Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari.
4Ityai, murege kutadza;
Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo
dzenyu, muti mwii.
5Bayirai zvibayiro zvokururama,
Muvimbe naJehovha.
6Vazhinji variko vanoti,
“Ndianiko achatiratidza zvakanaka?
Jehovha, simudzirai pamusoro
pedu chiedza chechiso chenyu.”
7Makaisa mufaro mumwoyo mangu,
Unopfuura wavanhu kana zviyo
zvavo newaini yavo zvawanzwa.
8Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope;
Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
Currently Selected:
Mapisarema 4: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002