YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 26

26
Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amururamisire
Pisarema raDhavhidhi.
1Nditongerei Jehovha, nokuti
ndakafamba nokusanyengera kwangu;
Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.
2Ndinzverei Jehovha, ndiidzei,
Natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.
3Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu,
Ndakafamba muzvokwadi yenyu.
4Handina kugara navanhu venhema,
Handingafambidzani navanyengeri.
5Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa,
Handingagari navatadzi.
6Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva;
Ndigopoteredza aritari yenyu saizvozvo, Jehovha.
7Kuti ndiparidze nezwi rokuvonga,
Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8Jehovha, ndinoda hugaro hweimba yenyu,
Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.
9Regai kusanganisa mweya wangu
pamwechete navatadzi,
Noupenyu hwangu navateuri veropa;
10Vakabata zvakashata pamaoko avo,
Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.
11Asi kana ndirini ndichafamba
nokusanyengera kwangu;
Ndidzikinurei, mundinzwire tsitsi.
12Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere;
Ndicharumbidza Jehovha paungano.

Currently Selected:

Mapisarema 26: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in