Numeri 27
27
Mirairo yokugarisa nhaka
1Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mosesi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza; 2vakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari mupristi, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati, 3“Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana. 4Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.” 5Mosesi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha. 6Jehovha akataura naMosesi, akati, 7“Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo. 8Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, ‘Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake. 9Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanun’una vake nhaka yake. 10Kana asina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa vakuru kana vanun’una vababa vake nhaka yake. 11Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.’ Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri,” sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
Joshua muteveri waMosesi
12Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri. 13Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni; 14nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura.” (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.) 15Zvino Mosesi akataura naJehovha, akati, 16“Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi, 17achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.” 18Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake. 19Umuise pamberi paEreazari mupristi, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo. 20Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana vaIsiraeri imuteerere. 21Iye anofanira kumira pamberi pomupristi Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.” 22Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupristi Ereazari, napamberi peungano yose; 23akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMosesi.
Currently Selected:
Numeri 27: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002