Numeri 20
20
Mvura yeMeribha
1Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo. 2Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mosesi naAroni. 3Vanhu vakarwa naMosesi, vakataura, vachiti, “Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha! 4Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu? 5Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.” 6Ipapo Mosesi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari. 7Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 8“Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.” 9Ipapo Mosesi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye. 10Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” 11Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji‐zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo. 12Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.” 13Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
14Zvino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomun’una wako Isiraeri, ‘Unoziva nhamo dzose dzakatiwira; 15kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu; 16zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa mazwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti; zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako; 17dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ” 18Ipapo Edhomu akati kwaari, “Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.” 19Vana vaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.” 20Iye akati, “Haungapfuuri.” Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba. 21Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.
Kufa kwaAroni
22Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori. 23Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati, 24“Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha. 25Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori; 26zvino ubvise nguo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.” 27Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose. 28Zvino Mosesi wakabvisa nguo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari vakaburuka havo pagomo. 29Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.
Currently Selected:
Numeri 20: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002