YouVersion Logo
Search Icon

Mako 4

4
Mufananidzo womukushi
(Mateu 13:1-23; Ruka 8:4-15)
1Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakaunganira kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo; vazhinji vose vakanga vari pedyo negungwa pamhenderekedzo.
2Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake,
3“Teererai, Mukushi akabuda kundokusha. 4Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya. 5Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika; 6asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi.
7“Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana. 8Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.”
9Akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10Akati ari oga, vakanga vanaye vane gumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo. 11Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari, asi kuna ava, vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo, 12kuti, kuona vaone, asi varege kuonesesa, nokunzwa vanzwe, asi varege kunzwisisa, kuti zvimwe varege kutendeuka, vakaregererwa zvivi zvavo.”
13Zvino akati kwavari, “Hamuzivi here mufananidzo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose? 14Mukushi ndiye anokusha shoko. 15Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari. 16Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, 17asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
18“Vamwe vanokushwa muminzwa, ndivo vanonzwa shoko, 19asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, kunopinda, kuchivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko.
20“Vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka, mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.”
Mufananidzo womwenje
(Ruka 8:16-18)
21Zvino akati kwavari, “Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu, kana pasi pomubhedha here? Hausipo kuti uiswe pachigadziko here? 22Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazooneswi, hapana chavigwa chisingazobudi pachena. 23Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
24Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa. 25Nokuti uya ane chaanacho achapiwa, asi uya asina, achatorerwa kunyangwe nechaanacho.”
Kukura kwoushe hwedenga
26Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu, 27akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei; 28ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. 29Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
Mufananidzo wembeu yemasitadhi
(Mateu 13:31-32, 34; Ruka 13:18-19)
30Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko? 31Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika; 32asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.”
33Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo. 34Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waizodudzira vadzidzi vake zvose vari voga.
Jesu anonyaradza dutu negungwa
(Mateu 8:23-27; Ruka 8:22-25)
35Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.”
36Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga aiva naye. 37Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara.
38Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?”
39Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. 40Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?”
41Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”

Currently Selected:

Mako 4: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in