YouVersion Logo
Search Icon

Mako 13

13
Jesu anoporofita kuputswa kweJerusaremu nokudzoka kwake
(Mateu 24:1-44; Ruka 21:5-33)
1Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” 2Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
3Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti, 4“Tiudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?”
5Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. 6Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’ 7Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. 8Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
9“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. 10Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. 11Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. 12Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. 13Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa.
14“Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira anorava ngaacherekedze, vari muJudhea ngavatizire kumakomo; 15ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. 16Nowari mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. 17Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo! 18Nyengeterai kuti zvirege kuva panguva yechando. 19Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
20“Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, akatapudza mazuva iwayo.
21“Zvino kana munhu achiti kwamuri, ‘Tarirai Kristu ari pano, tarirai, ari apo,’ regai kutenda. 22Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. 23Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose!
24“Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, 25nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. 26Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya.
27“Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga.
28“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. 29Saizvozvo imiwo, kana moona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti ava pedyo atosvika pamusuo. 30Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika. 31Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
32“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba. 33Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. 34Zvakaita somunhu akaenda kune imwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuo kuti arindire. 35Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; 36kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai muvete. 37Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ”

Currently Selected:

Mako 13: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in