YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 15

15
Mufananidzo wehwai yakarasika
(Mateu 8:12-14)
1Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari, kuzomunzwa. 2VaFarisi navanyori vose vakagun'un'una, vachiti, “Uyu munhu anogamuchira vatadzi, achidya navo.”
3Zvino akavaudza mufananidzo uyu, achiti, 4“Ndianiko kwamuri anamakwai ane zana, kana akarasikirwa neimwe yadzo, angasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ayiwana?
5“Kana ayiwana, anoriisa pamafudzi ake, achifara. 6Kana asvika kumusha, anokokera shamwari dzake navavakidzani naye, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana hwai yangu yakanga yakarasika.’
7“Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka, kupfuura pavakarurama vana makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
Mufananidzo wedhirakema rakarasika
8“Ndoupiko mukadzi ana madhirakema ane gumi, kana arasikirwa nerimwe, angarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?
9“Kana ariwana, anokokera hama dzake navavakidzani vake, akati kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana dhirakema randakanga ndarasikirwa naro.’ 10Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka.”
Mufananidzo womwanakomana akarasika
11Zvino akati, “Mumwe munhu aiva navanakomana vaviri. 12Muduku wavo akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu.’ Akavagovera pfuma yake. 13Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa.
14“Zvino akati apedza zvose, nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushayiwa. 15Ipapo akaenda, akandozviisa kune mumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve. 16Akanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa. 17Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. 18Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, 19handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ 20Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda.
21“Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ 22Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; 23muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; 24nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, awanikazve.’ Zvino vakatanga kufara. 25Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
26“Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti, ‘Izvi zvinyiko.’ 27Akati kwaari, ‘Munun'una wako asvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwanazve ari mupenyu.’ ”
28“Asi iye akatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari. 29Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. 30Asi mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvipfeve, akati achisvika, momubayira mhuru yakakodzwa.’ 31Ivo vakati kwaari, ‘Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako. 32Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararama; akanga arasika, akawanika.’ ”

Currently Selected:

Ruka 15: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in