Joere 2
2
Tendeukai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo
1“Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedyo; 2richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu. 3Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari. 4Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo. 5Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo womoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa. 6Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka. 7Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanofamba mumwe nomumwe ninzira yake, havatongotsauki pamisara yavo.
8“Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki. 9Vanowira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamawindo sembavha. 10Nyika inodedera pamberi pavo, denga rose rinobvunda, zuva nomwedzi zvinosviba, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo. 11Jehovha anobudisa izwi rake pamberi pehondo yake, nokuti hondo yake ihuru kwazvo; nokuti muiti wezvaakataura une simba; nokuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro? 12Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza; 13bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa. 14Ndiani angaziva, zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
15“Ridzai, hwamanda paZioni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa; 16kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata. 17Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati ‘Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke;’ vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”
Jehovha anoropafadza vanhu vake
18Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi. 19Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, “Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi; 20asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru. 21Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru. 22Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo. 23Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga. 24Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta. 25Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu. 26Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. 27Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
28“Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; 29ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo. 30Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. 31Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. 32Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.
Currently Selected:
Joere 2: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002