YouVersion Logo
Search Icon

Jobho 35

35
Mwari haanzwi kuchema kwavanhu nokuda kwokusatenda kwavo
1Zvino Erihu akapindurawo, akati,
2“Munoti ndiko kururama kwenyu here.
Munoti, kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?
3Zvamunoti, ‘Muchabatsirweiko nazvo?’
Ndichawaneiko, zvingapfuura zvandingawana kana
ndatadza hangu?
4Ndichakupindurai,
Pamwechete neshamwari dzenyu.
5Tarirai kudenga-denga, muone;
Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.
6Kana muchinge matadza, ko mungamuitei iye?
Kana kudarika kwenyu
kuchinge kwakawanda, ko mungamuitei?
7Kana makarurama, mungamupeiko?
Kana iye uchapiweiko paruoko rwenyu?
8Kuipa kwenyu kungatadzira munhu akaita semi,
Kururama kwenyu kungabatsira mwanakomana womunhu.
9Vanhu vanoridza mhere nokuda
kwokumanikidza kwakawanda;
Vanoridza mhere kuti varwirwe paruoko rwoane simba.
10Asi hapana anoti, ‘Mwari Muiti wangu aripiko?’
Iye anotiimbisa usiku;
11Iye anotidzidzisa kupfuura shiri dzokudenga?
Anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzokudenga?
12Ipapo vanochema, asi hapana anopindura,
Nokuda kwokuzvikudza kwavanhu vakaipa.
13Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo,
waMasimbaose haangavi nehanya nazvo.
14Ndoda kana muchiti, handimuoni;
Mhosva iri pamberi pake, chimumirirai henyu!
15Asi zvino, zvaasina kutsiva pakutsamwa kwake,
Kana kusava nehanya zvikuru nokuzvikudza;
16Naizvozvo Jobho woshamisa muromo
wake achireva zvisina maturo;
Wowanza mashoko asingazivi.”

Currently Selected:

Jobho 35: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in