Isaya 61
61
Mashoko omufaro anoparidzirwa Zioni
1Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; 2kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema; 3kuti ndigadzire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe. 4Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi. 5Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemidzambiringa yenyu. 6Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya pfuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo. 7Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi. 8Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichaviripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo. 9Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.
10Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake. 11Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
Currently Selected:
Isaya 61: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002