YouVersion Logo
Search Icon

Isaya 48

48
Jehovha achadzosa vanhu vake
1Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari waIsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama. 2(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri; zita rake ndiJehovha wehondo). 3“Ndakaparadza zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa; ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika. 4Zvandakaziva kuti mwoyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira; 5naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, ‘Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.’ 6Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi. 7Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, ‘Tarirai, ndaizviziva.’ 8Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro. 9Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza. 10Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza muchoto chokutambudzika.
11“Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
12“Nditeerere, iwe Jakobho, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo. 13Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
14“Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikanwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.
15“Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
16“Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire;” kubva panguva yokuvamba akandituma, noMweya wake. 17Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsiraeri, “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. 18Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa! 19Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.”
20Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nezwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, “Jehovha akadzikinura muranda wake Jakobho.” 21Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka. 22Zvanzi naJehovha, “Vakaipa havana rugare.”

Currently Selected:

Isaya 48: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in