YouVersion Logo
Search Icon

Isaya 42

42
Muranda waJehovha
1Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa. 2Haangadani, kana kudanidzira nezwi rake, kana kunzwisa izwi rake panzira dzomumusha. 3Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi. 4Iye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake. 5Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo, 6“Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi; 7usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa. 8Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa. 9Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.”
10Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zvivi navagere pazviri.
11Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo. 12Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zvivi kurumbidzwa kwake. 13Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba. 14Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete. 15Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zvivi, namadziva ndichaapisa. 16Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi. 17Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, “Imi muri vamwari vedu,” ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
18Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone. 19Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma? 20Anoona zvinhu zvizhinji, asi haucherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi. 21Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza. 22Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambwarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa; vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, “Dzosa!” 23Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achaterera nokunzwa panguva inouya?
24Ndianiko akarega Jakobho apambwe, naIsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake. 25Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.

Currently Selected:

Isaya 42: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in