YouVersion Logo
Search Icon

Isaya 38

38
Kurwara kwaHezekia nokupora kwakezve
1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”
2Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, 3akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti, 5“Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu. 6Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.’
7“Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura. 8Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, wakanga wakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.” Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.
Rwiyo rwokuvonga rwaHezekia
9Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.
10Ndakati, ndichapinda pamusuo
eSheori achiri masikati pamazuva angu;
Ndatorerwa makore angu akanga asara.
11Ndakati, handichazooni Jehovha,
iye Jehovha, panyika yavapenyu;
Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.
12Ugaro hwangu hwaputswa,
hwabviswa kwandiri setende romufudzi;
Ndapeta upenyu hwangu, somuruki,
uchandigura pachirukiso;
Muchandigumisa kubvira mangwanani
kusvikira madekwana.
13Ndakachema kusvikira kwaedza;
unovhuna mapfupa angu ose seshumba;
Muchandigumisa kubvira mangwanani
kusvikira madekwana.
14Ndakarira senyenganyenga kana kondo;
Ndakachema senjiva; meso angu
akapera nokutarira kumusoro;
Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa,
ivai mumiriri wangu imi.
15Ndingatiiko?
Ndiye akataura neni, ndiye akazviita;
Ndichanatsa kufamba makore angu
ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi;
Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri;
Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.
17Tarirai, kutambudzika kwangu
kukuru kwakazondivigira rugare;
Asi makarwira mweya wangu norudo
pagomba rokuparadzwa;
Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
18Nokuti Sheori harigoni kukuvongai,
rufu harugoni kukurumbidzai;
Vanoburukira kugomba havangagoni
kutarira zvokwadi yenyu.
19Mupenyu, mupenyu, ndiye
uchakuwongai, sezvandinoita nhasi;
baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.
20Jehovha akazvigadzira kundiponesa;
Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa
Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.
21Zvino Isaya akanga ati, “Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.” 22Hezekiawo akanga ati, “Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?”

Currently Selected:

Isaya 38: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in