Isaya 16
16
1Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZioni. 2Nokuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni. 3“Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza. 4Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika. 5Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.”
6Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amadzambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo. 8Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomudzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa. 9Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera mudzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nokuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako. 10Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemidzambiringa hapachazovi nokuimba kana izwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira madzambiringa pazvisviniro; ndagumisa kupururudza. 11Naizvozvo mwoyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi. 12Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
13Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
14Asi zvino Jehovha akataura achiti, “Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.”
Currently Selected:
Isaya 16: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002