YouVersion Logo
Search Icon

VaHebheru 7

7
Kristu Mupristi mukuru anorudzi naMerekizedheki
1Nokuti Merekizedheki uyo, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wokumusoro-soro, akasangana naAbhurahamu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza; 2Abhurahamu akamupawo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uyezve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare; 3asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu, asi akafananidzwa noMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nokusingaperi.
4Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, akapiwa natateguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba. 5Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roupristi, vakarayirwa nomurayiro kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu; 6asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, akapiwa zvegumi naAbhurahamu, akamuropafadza iye akanga ane zvipikirwa.
7Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye anoropafadzwa noanopfuura nokunaka. 8Uye pano, vanhu vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo anopiwa, anopupurirwa zvichinzi mupenyu. 9Zvino tingati, naRevhi anopiwa zvegumi, iyewo akapa zvegumi naAbhurahamu; 10nokuti akanga achiri muchiuno chababa vake, pakusangana kwaMerekizedheki naye.
11Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira youpristi hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko mumwe mupristi aifanira kuzomuka seiko anorudzi naMerekizedheki, asinganzi anorudzi naAroni?
12Nokuti kana upristi huchisandurwa, nomurayiro unofanira kuti ushandurwewo. 13Nokuti uyo anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake, akanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusina munhu akambobata basa paaritari.
14Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu akabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu, Mosesi haana kureva zvavapristi.
15Izvi zvinoratidzwawo kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi akafanana naMerekizedheki, 16asina kuitwa mupristi nomurayiro wokurayira kwenyama, asi nesimba rohupenyu husingapedzwi. 17Nokuti iye anopupurirwa, zvichinzi,
“Iwe uri mupristi nokusingaperi,
Anorudzi naMerekizedheki.”
18Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwoutera hwawo, uye nokuti hauna maturo, 19(nokuti murayiro hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20Uyezve, zvaasina kuitwa mupristi kusina mhiko; 21nokuti ivo vakaitwa vapristi kusina mhiko, asi iye nokupika kwaiye, akati kwaari,
“Ishe akapika, haangazvidyi mwoyozve, achiti,
‘Iwe uri mupristi nokusingaperi.’ ”
22Saizvozvo Jesu akaitwa rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
23Ivo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi; 24asi iye, zvaanogara nokusingaperi, anoupristi husingapfuudzwi kunomumwe. 25Naizvozvo ane simba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
26Nokuti mupristi mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga; 27asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
28Nokuti murayiro unogadza vanhu vanoutera, kuti vave vapristi vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murayiro, rinogadza Mwanakomana, akakwaniswa nokusingaperi.

Currently Selected:

VaHebheru 7: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in