YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 6:1-4

Genesi 6:1-4 SNA2002

Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo. Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.