YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 25

25
Kufa kwaAbhurahamu
1Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura. 2Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. 3Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi. 4Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.
5Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo. 6Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva.
7Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu. 8Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake. 9Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure; 10ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake. 11Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.
12Ndiwo marudzi aIshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muIjipiti, murandakadzi waSara. 13Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami, 14naMishima, naDhuma, naMasa, 15naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema; 16ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo. 17Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake. 18Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose.
Kuzvarwa kwaEsau naJakobho
19Ndiwo marudzi aIsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka; 20Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake. 21Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba. 22Zvino vana vakasundana mukati make, akati, “Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?” Akandobvunza Jehovha. 23Jehovha akati kwaari,
“Mune ndudzi mbiri
muchizvaro chako,
ndudzi mbiri dzichaparadzana,
dzichibva mudumbu rako;
rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba;
mukuru achashumira muduku.”
24Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake. 25Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau. 26Pashure mun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo. 27Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende. 28Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.
29Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya; 30Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;” saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
31Jakobho akati, “Chimbonditengesera udangwe hwako.”
32Esau akati, “Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?”
33Jakobho akati, “Chimbondipikira;” akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake. 34Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.

Currently Selected:

Genesi 25: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in