YouVersion Logo
Search Icon

Esiteri 10

10
Ukuru hwaModhekai
1Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa. 2Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa? 3Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

Currently Selected:

Esiteri 10: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in