VaEfeso 3
3
Vahedheni vakadanwawo kuti vagare nhaka
1Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni, 2kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu; 3kuti zvakanga zvakavanzika zvakandizivisa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma; 4kana muchiarava iwo, mungaona kuziva kwangu pane zvakavanzika zvaKristu; 5zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu pane dzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vapostori vatsvene, navaporofita zvino muMweya; 6zvokuti: Vahedheni, vadyi venhaka pamwechete nesu, nemitezo yomuviri pamwechete nesu, vakagoverwawo pamwechete nesu chipikirwa muna Kristu Jesu neVhangeri; 7yandakaitwa mushandiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokushanda kwesimba rake.
8Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni pfuma isinganzverwi yaKristu, 9nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa muna Mwari, akasika zvose, kubva panguva yokutanga; 10kuti zvino madzishe navane simba kudenga vaziviswe nesungano kuchenjera kukuru kwaMwari; 11sechirevo chokutanga-tanga chaakatema muna Kristu Jesu, Ishe wedu; 12maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake. 13Saka ndinokumbira kuti murege kupera mwoyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.
Pauro anonyengeterera VaEfeso
14Nemhaka iyi ndinopfugama namabvi angu kuna Baba, 15rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo, 16kuti vakupei papfuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati; 17kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, mune midzi yenyu nenheyo dzenyu murudo; 18muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, 19nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
20Zvino, iye ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu, 21ngaave nokubwinya musangano muna Kristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.
Currently Selected:
VaEfeso 3: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002