Dhuteronomi 5
5
1Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, “Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita. 2Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu. 3Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano. 4Jehovha akataura nemi, ziso zvakatarisana, ari mukati momoto, 5(nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nokuti imi makanga muchitya nokuda kwomoto, mukasakwira mugomo;) akati,
6“Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.
7“Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
8“Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. 9Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; 10ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
11“Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina.
12“Chengeta zuva reSabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako. 13Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose. 14Asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe. 15Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.
16“Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
17“Usauraya.
18“Uye usaita upombwe.
19“Uye usaba.
20“Uye usapupurira wokwako nhema.
21“Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.”
22Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati momoto negore, nokusviba kukuru, nezwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
23“Zvino imi makati muchinzwa izwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose vamarudzi enyu, navakuru venyu, 24mukati, ‘Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa izwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake. 25Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza; kana tikaramba tichinzwa izwi raJehovha Mwari wedu tichafa. 26Nokuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here? 27Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.’ 28Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, ‘Ndanzwa izwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka. 29Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi! 30Enda, undoti kwavari, “Dzokerai kumatende enyu.” 31Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.’
32“Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe. 33Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.
Currently Selected:
Dhuteronomi 5: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002