YouVersion Logo
Search Icon

VaKorose 3

3
Ivai vatsvene, muchidana
1Naizvozvo, kana makamutswa pamwechete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, agere kurudyi rwaMwari. 2Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi. 3Nokuti makafa, upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.
4Kana Kristu, iye upenyu hwedu, achionekwa, nemiwo muchaonekwa pamwechete naye pakubwinya. 5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.
6Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera; 7nemiwo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.
8Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. 9Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, 10mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika; 11apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose.
12Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; 13muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. 14Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. 15Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga. 16Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurayirana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumwoyo menyu; 17uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye.
Vakristu mumba mavo
18Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna Ishe.
19Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo. 20Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka muna Ishe.
21Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.
22Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe. 23Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna Ishe, musingaitiri vanhu;
24muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubayiro wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu. 25Nokuti anoita zvisakarurama, achapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinoonekwa zvomunhu zvinotendwa.

Currently Selected:

VaKorose 3: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in