YouVersion Logo
Search Icon

Amosi 7

7
Muporofita anoratidzwa mhashu nomoto norwonzi rwokuyera narwo
1Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera. 2Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
3Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, “Hazvingaitwi.”
4Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo. 5Ipapo ndakati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
6Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, “Nezvizviwo hazvingaitwi.”
7Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake. 8Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Rwonzi rwokuyera narwo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve; 9nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami nomunondo.”
Amazia anoramba shoko raAmosi paBhetieri
10Zvino Amazia mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose. 11Nokuti Amosi anoti, ‘Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
12Amazia akatiwo kuna Amosi, “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo; 13asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.”
14Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, 15Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ 16Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’ 17naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”

Currently Selected:

Amosi 7: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in