YouVersion Logo
Search Icon

2 Madzimambo 15

15
Azaria mambo waJudha
1Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe. 2Wakanga anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu. 3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose. 4Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. 5Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
6Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha? 7Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Mamwe madzimambo okupedzisira aIsiraeri
8Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu.
9Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
10Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe. 11Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri.
12Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, “Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina.” Zvikaitwa saizvozvo.
13Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe. 14Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe.
15Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamakoronike amadzibaba aIsiraeri. 16Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.
17Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria. 18Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. 19Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
20Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakanga ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
21Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri? 22Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe.
23Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri. 24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. 25Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGireadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
26Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri.
27Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hweIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri. 28Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
29Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGireadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
30Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya. 31Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri.
Jotamu mambo waJudha
32Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe. 33Wakanga asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki. 34Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya. 35Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha.
36Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
37Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha. 38Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

Currently Selected:

2 Madzimambo 15: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in