YouVersion Logo
Search Icon

2 VaKorinde 5

5
1Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhenakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga. 2Nokuti tinogomerawo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; 3kuti kana takafukidza hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.
4Nokuti nesu, tiri mutabhenakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chimedzwe noupenyu. 5Zvino, uyo akatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, akatipawo rubatso rwoMweya.
6Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kuna Ishe; 7nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona; 8tinotsunga mwoyo, tichiti zviri nani tirege kugara mumuviri, kuti tigare kuna Ishe. 9Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.
10Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu; kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
Yananiso iri muna Jesu Kristu
11Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu. 12Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo.
13Nokuti kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. 14Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe akafira vose, zvino vose vakafa; 15zvino iye akafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo akafa nokumutswa nokuda kwavo.
16Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo. 17Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva. 18Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; 19ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
20Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti, “Yananiswai naMwari.”
21Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.

Currently Selected:

2 VaKorinde 5: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in