2 VaKorinde 1
1
Kwaziso
1Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwechete navatsvene vose vari paAkaya yose:
2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
Kuvonga kwaPauro
3Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; 4iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. 5Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. 6Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. 7Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.
8Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; 9asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa; 10iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura; 11nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.
Kusazvikudza kwaPauro
12Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari. 13Nokuti hatikunyorerei zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma; 14sezvamakatitendawo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semiwo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raIshe Jesu.
Pauro akaregerei kuenda Korinde
15Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri; 16ndipfuure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuuya nokwenyuzve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea. 17Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?” 18NaMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” 19Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimoti akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete,” asi akanga ari, “Hongu maari.” 20Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu.
21Zvino, uyo anotisimbisa muna Kristu pamwechete nemi, nokutizodza, ndiMwari; 22uyo akatiisirawo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumwoyo medu.
23Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamwoyo wangu, kuti handina kuzouya Korinde, nokuti ndakakunzwirai tsitsi. 24Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
Currently Selected:
2 VaKorinde 1: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002