YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 8

8
Vanhu vanoda mambo
1Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri. 2Zita romwana wake wodangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha. 3Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
4Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama, 5vakati kwaari, “Tarirai, imi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.”
6Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, “Tipei mambo ungatitonga.” Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
7Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, “Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
8“Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paIjipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo. 9Zvino terera hako mazwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.”
10Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha. 11Akati, “Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake. 12Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
13“Uchatora vanasikana venyu, vave vavenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa. 14Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemidzambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake. 15Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemadzambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
16“Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
17“Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake.
18“Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.”
19Asi vanhu vakaramba kuteerera izwi raSamueri, vakati, “Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata, 20kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.” 21Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
22Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Terera hako mazwi avo, uvagadzirire mambo.” Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, “Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.”

Currently Selected:

1 Samueri 8: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in