YouVersion Logo
Search Icon

1 Madzimambo 22

22
Ahabhi anoita sungano naJehoshafati; Kufa kwaAhabhi
1Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri. 2Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.
3Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, “Munoziva here kuti Ramotigireadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.” 4Akati kuna Jehoshafati, “Uchaenda neni kundorwa neRamotigireadhi here?” Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.” 5Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.”
6Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, “Ndiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Ivo vakati, “Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.”
7Asi Jehoshafati akati, “Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?”
8Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”
9Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, “Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.”
10Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
11Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.’ ” 12Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, “Endai Ramotigireadhi, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.”
13Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”
14Ipapo Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura.”
15Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana tirege?” Akapindura, akati, “Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.”
16Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani here kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?”
17Iye akati, “Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, ‘Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.’ ”
18Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?”
19Mikaya akati, “Zvino chinzwai shoko raJehovha, ‘Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.’ ”
20Ipapo Jehovha akati, “Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotigireadhi?” Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
21Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, “Ini ndichandomunyengera.” 22Jehovha akati kwauri, “Neiko?” Iwo ukati, “Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose.” Iye akati, “Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo.” 23Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu. 24Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, “Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?” 25Mikaya akati, “Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati.”
26Ipapo mambo waIsiraeri akati, “Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo, 27muti, ‘Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.’ ”
28Ipapo Mikaya akati, “Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Akati, “Inzwai, imi vanhu, imi mose.”
29Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda Ramotigireadhi. 30Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
31Zvino mambo weSiria wakanga araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, “Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.” 32Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, “Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri.” Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere. 33Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera. 34Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”
35Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikayerera mukati mengoro. 36Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, “Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake.”
37Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria. 38Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake; (ndipo paishamba zvifeve); sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.
39Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?
40Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
41Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri. 42Jehoshafati wakanga ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi. 43Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. 44Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.
45Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha? 46Vasodhomiwo vakanga vasiyiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.
47Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakanga achibata panzvimbo yamambo.
48Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEzionigebheri. 49Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, “Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe.” Asi Jehoshafati wakaramba.
50Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.
51Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri. 52Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri. 53Nokuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.

Currently Selected:

1 Madzimambo 22: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in