1 VaKorinde 3
3
Mweya nenyama
1Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche muna Kristu. 2Ndakakupai mukaka munwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni. 3Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here? 4Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here?
5Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. 6Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. 7Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. 8Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa.
9Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
Temberi yaMwari
10Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo. 11Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. 12Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; 13basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
14Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, achapiwa mubayiro. 15Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene achaponeswa, asi soakabuda pamoto.
16Ko hamuzivi kuti muri temberi yaMwari, uye kuti Mweya waMwari anogara mukati menyu here? 17Kana munhu achitadzira temberi yaMwari, Mwari achamutadzirawo; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi iyo.
18Kurege kuva nomunhu anozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera. 19Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Anobata vakachenjera pamano avo.”
20Uyezve, “Ishe anoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzina maturo.”
21Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose dzezvenyu; 22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya; zvose ndezvenyu; 23imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.
Currently Selected:
1 VaKorinde 3: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002