1 VaKorinde 13
13
Kunaka kworudo
1Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere! 2Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. 3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu.
4Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; 5haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; 6harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; 7runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.
8Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.
9Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; 10asi kana zvakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.
11Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana. 12Nokuti zvino tinoona pachioni-oni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo.
13Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.
Currently Selected:
1 VaKorinde 13: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002