1 Makoronike 27
27
Vakuru vehondo
1Zvino vana vaIsiraeri vakaverengwa vakuru vedzimba dzamadzibaba, navakuru vezviuru navamazana, navatariri vavo vaibatira mambo pazvinhu zvose zvamapoka aipinda nokubuda mwedzi mumwe nomumwe, mwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe rikasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina. 2Mutariri weboka rokutanga, pamwedzi wokutanga, akanga ari Jashobheami mwanakomana waZabhadhieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 3Iye akanga ari mumwe wavana vaPerezi, mukuru wavatariri vose vehondo pamwedzi wokutanga. 4Mutariri weboka romwedzi wechipiri akanga ari Dodai muAhohi, neboka rake; Mikiroti ndiye aivaraira; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 5Mukuru wechitatu wehondo pamwedzi wechitatu, akanga ari Bhenaya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, iye mukuru; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 6Uyu ndiye Bhenaya uya, akanga ari munhu wesimba pakati pavana makumi matatu, waiva mutariri wavana makumi matatu; Amizabhadhi mwanakomana wake akanga ari weboka rake. 7Mukuru wechina, pamwedzi wechina, akanga ari Asaheri munun'una waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake aimutevera; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 8Mukuru weshanu, pamwedzi weshanu, wakanga ari Shamhuti muIzirahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 9Mukuru wetanhatu, pamwedzi wetanhatu, akanga ari Ira mwanakomana waIkeshi muTekoite; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 10Mukuru wechinomwe, pamwedzi wechinomwe, akanga ari Herezi muPeroni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 11Mukuru wourusere, pamwedzi worusere, akanga ari Shebhekai muHushati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 12Mukuru wepfumbamwe, pamwedzi wepfumbamwe, akanga ari Abhiezeri muAnatoti, wavaBhenjamini; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 13Mukuru wegumi, pamwedzi wegumi, akanga ari Maharai muNetofati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 14Mukuru wegumi nomumwe, pamwedzi wegumi nomumwe, akanga ari Bhenaya muPiratoni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina. 15Mukuru wegumi navaviri, pamwedzi wegumi nemiviri, akanga ari Heridhai muNetofati, waOtinieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
Varairi vamarudzi ane gumi namaviri
16Uye, kwakanga kuna varairi vamarudzi aIsiraeri; vokuvaRubheni akanga ari Eriezeri mwanakomana waZikiri, murairi; wokuvaSimeoni; Shefatia mwanakomana waMaaka; 17wokwaRevhi: Hashabhia, mwanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadhoki; 18wokwaJudha: Erihu, mumwe wavanun'una vaDhavhidhi; wokwaIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri; 19wokwaZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya; wokwaNafutari: Jeremoti mwanakomana waAzieri; 20wokuvana vaEfuraimu: Hoshea mwanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mwanakomana waPedhaya; 21wokuhafu yorudzi rwaManase paGireadhi, Idho mwanakomana waZekariya; wokwaBhenjamini: Jasieri mwanakomana waAbhineri; 22wokwaDhani: Azareri mwanakomana waJehorami. Ndivo vakanga vari vakuru vamarudzi aIsiraeri. 23Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga. 24Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.
Vamwe varanda vaDhavhidhi
25Mutariri wepfuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wepfuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya; 26mutariri wavanhu vaibata paminda vachirima pasi, akanga ari Eziri mwanakomana waKerubhi.
27Mutariri weminda yemidzambiringa, akanga ari Shimei muRamati; mutariri wezvibereko zveminda yemidzambiringa, wedzimba dzewaini, akanga ari Zabhadhi muShifimi; 28mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri pamapani, akanga ari Bhaarihanani muGedheri; mutariri wedzimba dzamafuta akanga ari Joashi. 29Mutariri wamapoka ezvipfuo, zvaipfura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai; 30mutariri wamakamera akanga ari Obhiri muIshimaeri; uye mutariri wembongoro akanga ari Jedheiya muMeronoti; 31mutariri wamapoka amakwai akanga ari Jazizi muHagiri. Ava vose vakanga vari vatariri venhumbi dzamambo Dhavhidhi.
32Uye Jonatani muzukuru waDhavhidhi akanga ari gurukota, murume akangwara, munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aigara navanakomana vamambo; 33Ahitoferi akanga ari gurukota ramambo; naHushai muAriki yaiva shamwari yamambo; 34aitevera Ahitoferi ndiJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; mukuru wehondo yamambo akanga ari Joabhu.
Currently Selected:
1 Makoronike 27: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002