YouVersion Logo
Search Icon

Zefania 2

2
Ʋanhu ŋgaʋatȿake Jehova kutoŋga kucigere kuȿika.
1Ʋuŋganai, ɀirokwaɀo ʋuŋganai, imi rudzi rusiŋganyari; 2cireʋo cisati caɓereka, zuʋa risati rapfuʋura sehundi, kutsamŋa kukuru kwaJehova kusati kwaʋuya pamsoro penyu, zuʋa rokutsamŋa kwaJehova risati raʋuya pamsoro penyu. 3Tȿakai Jehova, imi mose ʋanyoro ʋenyika, imi makaceŋgeta mitemo yake; tȿakai kururama, tȿakai ʋunyoro; ɀimŋe muŋgaʋandika nezuʋa rokutsamŋa kwaJehova. 4Nokuti Gaza ricasiyiwa, Ashkeroni ricaitwa ɗoŋgo; ʋacadziŋga Ashdodi masikati makuru, Ekroni ricadzurwa. 5Ʋanenhamo ʋagere panyika iri paguŋgwa, irwo rudzi rwaʋaKereti! Shoko raJehova rinokutuka, iwe Kanani, nyika yaʋaFiristia; ndicakuparadza, kuti parege kuzoʋa unogara’po. 6Mhenderekedzo dzeguŋgwa dzicaʋa mafuro anamapako aʋafudzi neɀirugu ɀamakwai. 7Mhenderekedzo dzicaʋa dzaʋakasara ʋeimba yaJuda; ʋacafudza’po makwai aʋo; ʋacaʋata pasi maɗekwana mudzimba dzeAshkeroni; nokuti Jehova Mŋari waʋo ucaʋashanyira nokudzosa kutapxa kwaʋo. 8Ndakanzwa kuɀidza kwaMoabi, nokutuka kwaʋana ʋaAmoni, kwaʋakaɀidza nako ʋanhu ʋaŋgu, ʋaciita manyawi pamuganho waʋo. 9Naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀirokwaɀo, Moabi ʋacaita seSodoma, naʋana ʋaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatoŋgo nokusiŋgaperi; ʋanhu ʋaŋgu ʋakasara ʋacaʋaita cinhu cakatapxa, ʋakasara ʋorudzi rwaŋgu ʋacaʋagara nhaka. 10Ndiɀo ɀaʋacapiwa nokuɗa kwokuɀikudza kwaʋo, nokuti ʋakaɀidza ʋanhu ʋaJehova wehondo nokuɀikudza kwaʋari. 11Jehova ucaʋatyisa kwaɀo, nokuti ucaparadza ʋamŋari ʋose ʋenyika; ʋanhu ʋacamunamata iye, mumŋe nomumŋe acibva panɀimbo yake, naiɀo ɀiwi ɀose ɀendudzi. 12Nemi ʋo ʋeEtiopia, mucaʋurawa nomunondo waŋgu. 13Ucatambanudzira ruʋoko rwake kurutiʋi rwokumsoro, ndokuparadza Asiria; Nineve ucariita ɗoŋgo, riwome serenje. 14Ɀipfuwo ɀicaʋata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenuŋgu ɀicaʋata pamisoro yembiru dzaro; inzwi rokurira kwaɀo ricanzwika pamawindi; kuparadzwa kucaʋa’po paɀikumbaridzo; nokuti wakafukunura ɀakaʋezwa ɀemisidari. 15Iri ndiro guta raigara nomufaro risinehanya, raiti mumŋoyo maro: Ndini, hakucinomumŋe kunze kwaŋgu! Haiwa, raitwa ɗoŋgo sei, nɀimbo inoʋata mhuka! Mumŋe nomumŋe unopfuʋura napo ucaridza muridzo, acizunuŋgusa ruʋoko rwake.

Currently Selected:

Zefania 2: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in