YouVersion Logo
Search Icon

Tito 2

2
Mufambire waʋakristu.
1Ɀino iwe, taura ɀakafanira dzidziso yakarurama. 2Ʋarume ʋakuru ŋgaʋaʋe ʋakaȿinuka, ʋanokudzwa, ʋakaŋgwara, ʋakarurama pakutenda, naparuɗo, napakutsuŋgirira; 3saiɀoɀo ʋo ʋakadzi ʋakuru ŋgaʋaʋe nomufambire wakafanira ʋatȿene, ʋasiŋgaceri, kana kuɗa waini zhinji, asi ʋaʋe ʋadzidzisi ʋeɀakanaka; 4kuti ʋadzidzise ʋakadzi ʋaɗuku, kuti ʋaɗe ʋarume ʋaʋo, nokuɗa ʋana ʋaʋo, 5ʋaʋe ʋakaŋgwara, ʋakacena, ʋanoceŋgeta imba, ʋanyoro, ʋanoɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, kuti shoko raMŋari rirege kumhurwa. 6Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋaɗuku uʋaraire kuti ʋaʋe ʋakaŋgwara; 7paɀinhu ɀose iwe umene uʋaratidze makwara amaɓasa akanaka; uʋe nokusakaŋganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa, 8nokutaura kwakarurama, kusiŋgagoni kushoʋorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asinecinhu cakaipa caaŋgareʋa pamsoro peɗu. 9Ʋaranda ŋgaʋaɀiise pasi paʋatenzi ʋaʋo, ʋaʋafadze paɀinhu ɀose, ʋasiŋgakakaʋari; 10ʋasiŋgaɓi, asi ʋaratidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti ʋashoŋgedze dzidziso yaMŋari, Muponesi weɗu, paɀinhu ɀose. 11Nokuti nyasha dzaMŋari dzakaʋonekwa, dzinoʋigira ʋanhu ʋose kuponeswa, 12dzicitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mŋari nokuciʋa ɀenyika, tirarame nokuŋgwara, nokururama, nokunamata Mŋari paŋguʋa ino, 13takatarira tariro inofadza, nokuʋonekwa kwokubginya kwaMŋari mukuru, noMuponesi weɗu, Kristu Jesu, 14wakaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti atidzikinure paɀisakarurama ɀose, kuti aɀinatsire ʋanhu ʋaʋe ʋake caiʋo, ʋanhu ʋanoshiŋgairira maɓasa akanaka.
15Taura ɀinhu iɀi, uraire, uraŋge nesimba rose; ŋgakurege kuʋa nomunhu unokuɀidza.

Currently Selected:

Tito 2: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in