YouVersion Logo
Search Icon

Ɀakazarurwa 10

10
Buku inobʋa kuɗeŋga inodyiwa naJohane.
1Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa unesimba aciɓuruka kuɗeŋga, akapfeka gore; muraraʋuŋgu wakaŋga uri pamusoro wake, ciso cake cakaŋga cakaita sezuʋa, netsoka dzake sembiru dzomŋoto. 2Wakaŋga akaɓata buku ɗuku yakazaruka muruʋoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamsoro peguŋgwa, norworuɓoshwe pamsoro penyika; 3akaɗanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati aɗanidzira, kutinhira kunomŋe kukaɓuɗisa manzwi ako. 4Ɀino kutinhira kunomŋe kwakati kwareʋa, ndakaŋga ndonyora, ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Zarira ɀarebga nokutinhira kunomŋe, usaɀinyora. 5Ipapo mutumŋa uya wandakaʋona amire pamsoro peguŋgwa napamsoro penyika, wakasimudzira ruʋoko rwake rworudyi kuɗeŋga, 6akapika naiye uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, wakasika ɗeŋga neɀiri’mo, nenyika neɀiri’mo, neguŋgwa neɀiri’mo, kuti ŋguʋa haiŋgazoʋi’po. 7Asi namazuʋa enzwi romutumŋa wecinomŋe, kana ʋoɗo‐kuridza, ɀakaʋanzika ɀaMŋari ɀicapedziswa, seɀaakaparidzira ʋaranda ʋake, iʋo ʋaprofita. 8Ipapo inzwi riya randakanzwa ricibva kuɗeŋga, rakataura ɀe kwandiri, riciti: Enda utore buku yakazaruka iri muruʋoko rwomutumŋa, umire pamsoro peguŋgwa napamsoro penyika. 9Ndikaenda kumutumŋa, ndikati kwaari: Ndipei buku ɗuku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; icaʋaʋisa muɗumbu mako, asi mumuromo mako icanaka soʋuci. 10Ipapo ndakatora buku ɗuku muruʋoko rwomutumŋa, ndikaidya; ikanaka mumuromo maŋgu soʋuci; asi ndakati ndaidya, muɗumbu maŋgu mukaʋaʋiswa. 11Ʋakati kwandiri: Unofanira kuprofita ɀe pamsoro paʋanhu ʋazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.

Currently Selected:

Ɀakazarurwa 10: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in