Mapisarema 144
144
Davidi unokumbira kuti Jehova amukundise, amuropafadze.
Pisarema raDavidi.
1Ŋgaarumbidzwe Jehova, ɗombo raŋgu,
Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa,
Neminwe yaŋgu kufura;
2Ʋunyoro bgaŋgu, nenhare yaŋgu,
Shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, nomurwiri waŋgu;
Nhoʋo yaŋgu, ʋuye iye wandinoʋimba naye;
Unoisa ʋanhu ʋaŋgu pasi paŋgu.
3Jehova, munhu cinyiko, ɀamunehanya naye?
Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomuraŋgarira?
4Munhu wakafanana nomŋeya;
Mazuʋa ake aneŋge mumvuri unopfuʋura.
5Kotamisai kuɗeŋga‐ɗeŋga kwenyu Jehova, muɓuruke;
Gunɀai makomo, apfuŋgaire ʋutsi.
6Penyesai mheni, muʋaparadze;
Furai miseʋe yenyu, muʋavunduse.
7Tambunudzai ruʋoko rwenyu muri kumsoro;
Ndisunuŋgurei, mundirwire pamvura zhinji,
Naparuʋoko rwaʋatorwa;
8Aʋo ʋanotaura ɀisinamaturo nomuromo waʋo,
Ʋuye ruʋoko rwaʋo rworudyi ndirwo ruʋoko rworudyi rwenhema.
9Mŋari ndicakuimbirai rwiyo rutȿa;
Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomuteŋgeranwa unehuŋgiso dzinegumi.
10Ndimi munopa madzimambo kuponeswa,
Munorwira Davidi muranda wenyu pamunondo unokuʋadza.
11Ndisunuŋgurei, mundirwire paruʋoko rwaʋatorwa,
Ʋanotaura ɀisinamaturo nomuromo waʋo,
Ʋuye ruʋoko rwaʋo rworudyi ndirwo ruʋoko rworudyi rwenhema.
12Ʋanakomana ʋeɗu ʋacaʋa semiti yakakura kwaɀo paʋutȿa bgayo;
Ʋuye ʋanasikana ʋeɗu samabge ekona akaʋezwa seɀinoʋezerwa imba yamambo;
13Matura eɗu acazara neɀiyo ɀamarudzi ose;
Namakwai eɗu acaɓereka ɀuru negumi reɀuru kumafuro eɗu.
14Nzombe dzeɗu dzicatakudzwa ɀizhinji;
Hatiŋgaputsirwi madziro, kana kuɓuɗa kundorwa,
Hakuŋgaʋi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha meɗu;
15Ʋanomufaro ʋanhu aʋo, ʋanoitirwa saiɀoɀo;
Ʋanomufaro ʋanhu aʋo, Mŋari waʋo ari Jehova.
Currently Selected:
Mapisarema 144: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018