Firemoni 1
1
Kwaziso.
1Pauro, musuŋgwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yeɗu, kunaFiremoni, muɗikanwa weɗu nounoɓata nesu, 2nokunaApfia, hanɀadzi yeɗu, nokunaArkipo, murwi pamŋe cete nesu, nokukereke iri mumba mako: 3Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
Kuʋoŋga kwaPauro pamsoro poruɗo rwaFiremoni.
4Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa dzose, kana ndicikuraŋgarira pakunyeŋgetera kwaŋgu, 5ɀandinonzwa ɀoruɗo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuʋatȿene ʋose; 6kuti kugoʋana kwokutenda kwako kuʋe nesimba, kuti ɀakanaka ɀose ɀiri mukati meɗu kunaKristu ɀizikanwe; 7nokuti ndakaŋga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuɗa kworuɗo rwako, nokuti mŋoyo yaʋatȿene yakazorodzwa newe, hama yaŋgu.
Pauro unoreʋerera Onesimo.
8Naiɀoɀo, kunyaŋge ndisiŋgatoŋgotyi munaKristu kukuraira kuita ɀakafanira, 9kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kworuɗo ndinoita ɀokukumbira ɀikuru, ɀandakaɗai haŋgu, ini Pauro, mutana, ʋuye ɀino musuŋgwa waKristu Jesu. 10Ndinokumbira ɀikuru kwauri pamsoro pomŋana waŋgu, wandakaɓereka pakusuŋgwa kwaŋgu, Onesimo, 11wakaŋga asiŋgakuɓatsiri kare, asi ɀino unokuɓatsira ɀikuru, iwe neni; 12ndinomudzosera kwauri, iye amene, mŋoyo waŋgu caiwo; 13ndaiɗa kuti agare neni, kuti panɀimbo yako andishumire pakusuŋgwa kwaŋgu nokuɗa kweEvaŋgeri; 14asi ndakaŋga ndisiŋgaɗi kuita cinhu, iwe usati watenda, kuti ɀakanaka ɀauŋgaita ɀirege kuitwa nokuroʋererwa, asi nokuɗa kwako. 15Nokuti ɀimŋe wakaparadzaniswa newe ciŋguʋa nemhaka iyi, kuti ugozoʋa naye nokusiŋgaperi; 16arege kuzoʋa muranda, asi munhu unopfuʋura muranda, aʋe hama inoɗikanwa, munyama nomunaShe, ɀikuru kwandiri, asi ɀikuru kwaɀo kwauri. 17Ɀino kana uciti ndiri mugoʋani newe, umugamucire seɀauŋgandigamucira ini. 18Asi kana akakuitira cinhu cisakarurama, kunyaŋge aneŋgaʋa newe, undiraʋireni iɀoɀo. 19Ini Pauro, ndinoɀinyora noruʋoko rwaŋgu, ndicaripa; ndisiŋgareʋi haŋgu kuti pamsoro peɀose uneŋgaʋa kwandiri, ndiyewe umene. 20Hoŋo, hama, ŋgandiʋe nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mŋoyo waŋgu munaKristu. 21Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndiciziʋa kuti ucaita ʋo kupfuʋura pandinoreʋa napo. 22Asi ndigadzirire ʋo pokugara, nokuti ndinotarira kuti mucandipiwa ini nokuɗa kwokunyeŋgetera kwenyu.
23Epafrasi, musuŋgwa pamŋe cete neni munaKristu, unokukwazisa. 24NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, ʋanoɓate‐ɓasa pamŋe cete neni.
25Nyasha dzaShe Jesu Kristu ŋgadziʋe nomŋeya wenyu.
Currently Selected:
Firemoni 1: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018