YouVersion Logo
Search Icon

Nehemia 7

7
Mazita aʋakabʋa Babironi naZerubaberi.
1Ɀino ruȿiŋgo rwakati rwaʋakwa, ini ndatimika magonhi, ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaRevi ʋagadzwa, 2ndikagadza Hanani munuŋuna waŋgu, naHanania muɓati wenhare, ʋaʋe ʋatariri ʋeJerusarema; nokuti wakaŋga ari munhu wakatendeka, acitya Mŋari kupfuʋura ʋazhinji. 3Ndikati kwaʋari: Masuʋo eJerusarema ŋgaarege kuzarurwa kuȿikira zuʋa rapisa; ɀino ʋarindi ʋacimire’po, ŋgaʋapfige mikoʋa, imi mugoikiya; munofanira kugadza ʋo ʋarindi pakati paʋagere Jerusarema, mumŋe nomumŋe paanofanira kurindira, mumŋe nomumŋe pakatarisana neimba yake. 4Ɀino guta rakaŋga riri ɓamhi rakakura; asi ʋanhu ʋaiʋa’mo ʋashoma; ʋuye dzimba dzakaŋga dzicigere kuʋakwa. 5Ipapo Mŋari waŋgu wakaisa mufuŋgo pamŋoyo paŋgu kuti ndikokere ʋakuru naʋatariri, naʋanhu, kuti ʋaʋereŋgwe namazita aʋo. Ndikawana buku yamazita aʋakataŋga kuȿika, ndikawana makanyorwa kuɗai: 6Ndiʋo ʋana ʋorutiʋi rwenyika yaJuda, ʋakadzoka pakutapxa, pakati paʋakaŋga ʋakatapxa, ʋakatapxa naNebukadnezari mambo weBabironi, ʋakadzokera Jerusarema nokwaJuda, mumŋe nomumŋe kuguta rake: 7Iʋo ʋakaʋuya naZerubaberi, naJeshua, naNehemia, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naMordekai, naBirshani, naMispereti, naBigvai, naNehumi, naBaana. Kuwanda kwaʋarume ʋaʋanhu ʋaIsraeri ndiko: 8Ʋana ʋaParoshi, ɀuru ɀiʋiri nezana namakumi manomŋe naʋaʋiri. 9Ʋana ʋaShefatia, mazana matatu namakumi manomŋe naʋaʋiri. 10Ʋana ʋaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋaʋiri. 11Ʋana ʋaPahati‐moabi, ʋaʋana ʋaJeshua naJoabi, ɀuru ɀiʋiri namazana masere negumi naʋasere. 12Ʋana ʋaErami, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. 13Ʋana ʋaZatu, mazana masere namakumi manna naʋashanu. 14Ʋana ʋaZakai, mazana manomŋe namakumi matanhatu. 15Ʋana ʋaBinui, mazana matanhatu namakumi manna naʋasere. 16Ʋana ʋaBebai, mazana matanhatu namakumi maʋiri naʋasere. 17Ʋana ʋaAzgadi, ɀuru ɀiʋiri namazana matatu namakumi maʋiri naʋaʋiri. 18Ʋana ʋaAdonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu naʋanomŋe. 19Ʋana ʋaBigvai, ɀuru ɀiʋiri namakumi matanhatu naʋanomŋe. 20Ʋana ʋaAdini, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋashanu. 21Ʋana ʋaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamŋe naʋasere. 22Ʋana ʋaHashumi, mazana matatu namakumi maʋiri naʋasere. 23Ʋana ʋaBezai, mazana matatu namakumi maʋiri naʋanna. 24Ʋana ʋaHarifi, zana rimŋe negumi naʋaʋiri. 25Ʋana ʋaGibeoni, makumi mapfumbamŋe naʋashanu. 26Ʋarume ʋeBeti‐rehemi naʋeNetofa, zana rimŋe namakumi masere naʋasere. 27Ʋarume ʋeAnatoti, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋasere. 28Ʋarume ʋeBeti‐Azmaveti, makumi manna naʋaʋiri. 29Ʋarume ʋeKiriati‐jearimi, neKefira, neBeeroti, mazana manomŋe namakumi manna naʋatatu. 30Ʋarume ʋeRama neGeba, mazana matanhatu namakumi maʋiri nomumŋe. 31Ʋarume ʋeMikmashi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋaʋiri. 32Ʋarume ʋeBeti‐eri neAi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋatatu. 33Ʋarume ʋeNebo recipiri, makumi mashanu naʋaʋiri. 34Ʋana ʋaErami wecipiri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. 35Ʋana ʋaHarimi, mazana matatu namakumi maʋiri. 36Ʋana ʋeJeriko, mazana matatu namakumi manna naʋashanu. 37Ʋana ʋeRodi, neHadidi, neOno, mazana manomŋe namakumi maʋiri nomumŋe. 38Ʋana ʋeSenaa, ɀuru ɀitatu namazana mapfumbamŋe namakumi matatu. 39Ʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJedaya, ʋeimba yaJeshua, mazana mapfumbamŋe namakumi manomŋe naʋatatu. 40Ʋana ʋeImeri, curu cimŋe namakumi mashanu naʋaʋiri. 41Ʋana ʋaPashuri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi manna naʋanomŋe. 42Ʋana ʋaHarimi, curu cimŋe negumi naʋanomŋe. 43ƲaRevi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJeshua weKadmieri, waʋana ʋaHodeva, makumi manomŋe naʋanna. 44Ʋaimbi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaAsafi, zana rimŋe namakumi manna naʋasere. 45Ʋarindi ʋemikoʋa ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSharumi, naʋana ʋaAteri, naʋana ʋaTarmoni, naʋana ʋaAkubi, naʋana ʋaHatita, naʋana ʋaShobai, zana rimŋe namakumi matatu naʋasere. 46ƲaNetinimi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaZiha, naʋana ʋaHasufa, naʋana ʋaTabaoti, 47naʋana ʋaKerosi, naʋana ʋaSia, naʋana ʋaPadoni, 48naʋana ʋaRebana, naʋana ʋaHagaba, naʋana ʋaSarmai, 49naʋana ʋaHanani, naʋana ʋaGideri, naʋana ʋaGahari, 50naʋana ʋaReaya, naʋana ʋaRezini, naʋana ʋaNekoda, 51naʋana ʋaGazami, naʋana ʋaUza, naʋana ʋaPasea, 52naʋana ʋaBesai, naʋana ʋaMeunimi, naʋana ʋaNefushesimi, 53naʋana ʋaBakbuki, naʋana ʋaHakufa, naʋana ʋaHarhuri, 54naʋana ʋaBazriti, naʋana ʋaMehida, naʋana ʋaHarsha, 55naʋana ʋaBarkosi, naʋana ʋaSisera, naʋana ʋaTema, 56naʋana ʋaNezia, naʋana ʋaHatifa. 57Ʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSotai, naʋana ʋaSofereti, naʋana ʋaPerida, 58naʋana ʋaJaara, naʋana ʋaDarkoni, naʋana ʋaGideri, 59naʋana ʋaShefatia, naʋana ʋaHatiri, naʋana ʋaPokereti‐hazebaimi, naʋana ʋaAmoni. 60ƲaNetinimi ʋose naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni, ʋaiʋa mazana matatu namakumi mapfumbamŋe naʋaʋiri. 61Ndiʋo ʋakakwira, ʋacibva Terimera, neTeri‐harsha, neKerubi, neAdoni, neImeri; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudza dzimba dzamadziɓaɓa aʋo, kana marudzi aʋo, kana ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri: 62Ʋana ʋaDeraya, naʋana ʋaTobia, naʋana ʋaNekoda, mazana matanhatu namakumi manna naʋaʋiri. 63Pakati paʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaHobaya, naʋana ʋaHakozi, naʋana ʋaBarzirai, wakaŋga awana mukadzi waʋakunda ʋaBarzirai muGireadi, akazotumidzwa zita rokwaʋo. 64Aʋa ʋakatȿaka mazita aʋo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka ʋakanzi ʋakaȿiɓiswa, ʋakabviswa paʋuprista. 65Ipapo muɓati akaʋaʋudza kuti ʋarege kudya ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, kuȿikira kwamuka muprista uneUrimi neTumimi. 66Ʋuŋgano yose yakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri namazana matatu namakumi matanhatu, 67ʋasiŋgaʋereŋgi ʋaranda ʋaʋo naʋarandakadzi ʋaʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana matatu namakumi matatu naʋanomŋe; ʋaiʋa naʋaimbi ʋarume naʋakadzi ʋanamazana maʋiri namakumi manna naʋashanu. 68Mabiza aʋo aiʋa namazana manomŋe namakumi matatu namatanhatu; namahesera aʋo mazana maʋiri namakumi manna namashanu; 69namakamera aʋo, mazana manomŋe namakumi matatu namashanu; mboŋgoro dzaʋo ɀuru ɀitanhatu namazana manomŋe namakumi maʋiri. 70Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakapa ɀipo kuzoɓate‐ɓasa. Muɓati wakapa ciʋigiro cefuma madariki#7:70 Dariki rimŋe mari ineŋge pondo neshereni. endarama anecuru cimŋe, nembiya dzinamakumi mashanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamazana mashanu namakumi matatu. 71Ʋamŋe ʋakuru ʋo ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋakapa muciʋigiro cefuma yokuɓate‐ɓasa nayo, madariki#7:71 Dariki rimŋe mari ineŋge pondo neshereni. endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri namazana maʋiri. 72Ʋamŋe ʋanhu ʋakapa madariki#7:72 Dariki rimŋe mari ineŋge pondo neshereni. endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamakumi matanhatu nenomŋe. 73Ɀino ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaNetinimi, naʋaIsraeri ʋose ʋakagara pamaguta aʋo.
Mŋedzi wecinomŋe wakati uciȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere pamaguta aʋo.

Currently Selected:

Nehemia 7: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in