Marko 8
8
Ʋaneɀuru ɀinna ʋanopiwa ɀokudya naJesu.
(Mat 15:32–39)
1Namazuʋa iwayo ɀe kwakaŋga kunaʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋasinaɀaʋaŋgadya, akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: 2ndinetsitsi naʋanhu ʋazhinji, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya. 3Kana ndikaʋaendisa kumusha kwaʋo ʋanenzara, ʋacaziya panzira; ʋamŋe ʋaʋo ʋanobva kure. 4Ʋadzidzi ʋake ʋakapindura, ʋakati kwaari: Munhu uŋgawanepiko murenje muno, ɀiŋgwa ɀiŋgagutisa ʋanhu aʋa? 5Akaʋabvunza, akati: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe. 6Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi, akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaise pamberi paʋo; ʋakaɀiisa pamberi paʋazhinji. 7Ʋuye ʋakaŋga ʋanehoʋe ɗuku shomanene; ɀino akadziropafadza, akati ɀiiswe ʋo pamberi paʋo. 8Ʋakadya, ʋakaguta, ndokuʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe. 9Ʋaneŋge ʋaiʋa ɀuru ɀinna; akaʋaendisa. 10Pakarepo akapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akaȿika kumatiʋi enyika yeDarmanuta.
Jesu unoramba kuratidza ciratidzo.
(Mat 16:1–4)
11Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakataŋga kuita nyaya naye, ʋacitȿaka kwaari ciratidzo cinobva kuɗeŋga, ʋacimuidza. 12Akagomera ɀikuru pamŋeya wake, akati: Rudzi urwu runotȿakireiko ciratidzo? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgapiwi ciratidzo. 13Ipapo akaʋasiya, akapinda ɀe mugwa, akayambukira mhiri.
Jesu unoɗudzira shoko rembiriso yaʋaFarise naʋaSaduse.
(Mat 16:5–12)
14Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. 15Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. 16Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa. 17Ɀino Jesu wakati aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Munoraŋgana nemhaka yeiko kuti hamuneɀiŋgwa? Hamuziʋi, nokunzwisisa here? Mŋoyo yenyu iciri mikukutu here? 18Ɀamunameso, hamuʋoni here? Ɀamunenzeʋe, hamunzwi here? Hamuraŋgariri here? 19Musi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀishanu ɀiŋgwa ɀishanu, makanoŋga mateŋgu maŋganiko azere neɀimeɗu? Ʋakati kwaari: Gumi namaʋiri. 20Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe. 21Akati kwaʋari: Ko hamunzwisisi naɀino here?
Jesu unoȿinudza ɓofu paBetsaida.
22Ɀino ʋakaȿika Betsaida; ʋakaʋuya neɓofu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, kuti amunyaŋgate. 23Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here? 24Iye akatarira, akati: Ndinoʋona ʋanhu, ndinoʋaʋona ʋacifamba ʋakafanana nemiti. 25Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka. 26Akamuendisa kumba kwake akati: Usatoŋgopinda mumusha.
Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu.
(Mat 16:13–20; Ruka 9:18–22; Joh 6:68, 69)
27Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko? 28Ʋakapindura ʋaciti kwaari: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe, Eria, ʋamŋe ɀe, mumŋe waʋaprofita. 29Ɀino akaʋabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. 30Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake. 31Ɀino akataŋga kuʋadzidzisa kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji nokurashwa naʋakuru, naʋaprista ʋakuru, naʋanyori, aʋurawe, amuke ɀe mazuʋa matatu apfuʋura. 32Akataura shoko iro pacena. Ɀino Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira. 33Asi iye wakatendeʋuka, ndokutarira ʋadzidzi ʋake, akaraira Petro, akati: Ibva shure kwaŋgu, Satani, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Kuteʋera Jesu.
(Mat 16:24–27; Ruka 9:23–26)
34Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. 35Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, ucabguponesa. 36Nokuti munhu ucagoɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? 37Nokuti munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake? 38Nokuti aninani unonyara pamsoro pamashoko aŋgu parudzi urwu rwoʋupombge nokutadza, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake, musi waanoʋuya nokubginya kwake naƂaɓa ʋake naʋatumŋa ʋatȿene.
Currently Selected:
Marko 8: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018