Marko 12
12
Mufananidzo waʋarimi ʋakaipa.
(Mat 21:33–46; Ruka 20:9–18)
1Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. 2Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga. 3Ʋakamuɓata, ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. 4Akatuma ɀe mumŋe muranda kwaʋari; ʋakamutaka namabge, ʋakamutema musoro, ʋakamunyadza. 5Akatuma ɀe mumŋe, ʋakamuʋuraya; naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaroʋa ʋamŋe, nokuʋuraya ʋamŋe. 6Ɀino wakaŋga acinomŋanakomana mumŋe, muɗikanwa; akamutuma kwaʋari pakupedzisira, aciti: Ʋacakudza mŋanakomana waŋgu. 7Asi ʋarimi iʋaʋo ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. 8Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga. 9Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga ucaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋo, akapa ʋamŋe ʋarimi munda wemizambiriŋga. 10Ko hamuna‐kutoŋgoraʋa here rugwaro urwu, runoti:
Ibge rakarashwa naʋaʋaki,
Ndiro rakazoʋa musoro wekona;
11Iɀoɀo ɀakaitwa naShe,
Ɀinoshamisa pameso eɗu?
12Ipapo ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo iwoyo; ʋakamusiya, ʋakabva’po.
Kuripira Kesari mutero.
(Mat 22:15–22; Ruka 20:20–26)
13Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake. 14Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? 15Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari#12:15 Mari ineŋge sisipenzi netiki. kwandiri, ndiriʋone. 16Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. 17Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye.
Ʋanobʋunza Jesu pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
(Mat 22:23–33; Ruka 20:27–40)
18Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti: 19Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. 20Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana. 21Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo. 22Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. 23Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. 24Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari? 25Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. 26Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? 27Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo.
Murairo mukuru.
(Mat 22:34–40; Ruka 10:25–27)
28Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko? 29Jesu akapindura, akati: Wokutaŋga ndiwoyu: Inzwai ʋaIsraeri, Ishe Mŋari weɗu, ndiye Ishe mumŋe cete! 30Iɗa Ishe Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose, nesimba rako rose. 31Wecipiri ndiwoyu: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo. 32Ɀino munyori akati kwaari: Ɀakanaka Mudzidzisi, mareʋa ɀirokwaɀo, kuti ndiye mumŋe cete, hakunomumŋe kunze kwake; 33nokumuɗa iye nomŋoyo wose, nokufuŋga kwose, nesimba rose, nokuɗa wokwake seɀaanoɀiɗa iye, ɀinopfuʋura ɀikuru ɀipiriso ɀose ɀinopiswa cose, neɀiɓayiro. 34Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu.
Kristu Mŋanakomana waDaʋidi.
(Mat 22:41–46; Ruka 20:41–44)
35Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi? 36Davidi amene wakati noMŋeya Mutȿene:
Ishe wakati kunaShe waŋgu:
Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako.
37Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa.
Jesu unonyeʋera ʋadzidzi ʋake.
(Mat 23:1–12; Ruka 20:45–47)
38Ɀino pakudzidzisa kwake wakati: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, nokukwaziswa paɗare, 39neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nenɀimbo dzapamberi pamitambo; 40ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.
Jesu unorumbidza cipo cecirikadzi.
(Ruka 21:1–4)
41Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji. 42Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini. 43Akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa ɀizhinji kunaaʋo ʋose ʋakaisa muciʋigiro; 44nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.
Currently Selected:
Marko 12: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018